Njuzu dziri kuzambira mushana

Michael Magoronga ari kuGOKWE
VAGARI vemubhuku raMasiyandumbi, kwaMambo Chireya, kuGokwe, vari kugara vakabatira hana mumawoko nekutya makarwe nenjzu izvo zvinonzi zviri kuonekwa nguva nenguva mune rimwe dhamu reko.

Njuzu nemakarwe zvinonzi zviri kuonekwa kudhamu reNyawaya uye makarwe aya ari kudya zvipfuyo pamadiro apo njuzu dzinomboonekwa dzakavandarira zuva.

Sadunhu Madzivazvido vanotsinhira dambudziko rakatarisana nevagari veko vachiti vashaiswa rugare.

Vanoti makarwe ari kuonekwa nevanhu vose vanoenda kudhamu iri asi njuzu dziri kungoonekwa nevana vachiri pazera rekuenda kuchikoro bedzi.

“Tine dambudziko guru renjuzu nemakarwe zvakazara mudhamu raNyawaya. Idhamu rakagadzirwa nevanhu kuitira kuti vagari vemubhuku iri vawane mvura yekushandisa asi rave nenjodzi kuupenyu hwavo,” vanodaro Sadunhu Madzivazvido.

Vanoti kunyangwe zvazvo njuzu dzisati dzatora kana kukuvadza vanhu, makarwe arura nekudya zvipfuyo zvakawanda.

Njuzu idzi, vanodaro, hadzizi kuonekwa nemunhu wose wose asi nevana apo dzinenge dzakazambira mushana mangwanani kana masikati.

“Makarwe arura munzvimbo ino. Ari kudya mombe, mbudzi nehuku dzevagari vemubhuku rino. Chanyanyoita kuti nyaya iyi iome ndechekuti dhamu iri ndiro rinocherwa mvura nevagari vemubhuku rino nekudaro zvave nenjodzi kuti vaendeko asi havana zvekuita,” vanodaro Sadunhu Madzivazvido.

Vanoti vakatoshevedzera musangano wevatungamiriri vechivanhu vemudunhu ravo kuti vaone zvekuita nedambudziko iri.

“Zvinoyera kuve nenjuzu mudhamu riri munharaunda inogara vanhu, hazvisati zvambonzwikwa nekudaro takatoshevedzera musangano wekuti tikurukure nezvedambudziko iri.

“Hatikwanise kuramba tichigara nezvinhu izvi, zvinonzi zvinoyera. Tinotyira zvakare upenyu hwevanhu tikaramba tichigara nezvirombo zvakadai, upenyu hunorasika. Nekudaro tinofanira kutsvaga zvekuita kuitira kuchengetedza upenyu,” vanodaro.

Mambo Chireya havana kubatika kuti vapewo mafungiro avo panyaya ino.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×