Hurumende yorumbidzwa nekuchengetedza kodzero dzeveruzhinji

Muchaneta Chimuka

HURUMENDE iri kutora matanho akasimba akananga kuchengetedza kodzero dzeveruzhinji dzakadai sekuwaniswa dzidzo, utano, chengetedzo, mvura yakachena, zvifambiso, pekugara pakati tsvetere nemabasa.Mashoko aya akataurwa Muzvare Jessie Majome avo vanova sachigaro wekomisheni yeZimbabwe Human Rights Commission (ZRHC) pazuva guru rinokoshesa kodzero dzevanhu reInternational Human Rights Day.

 

Gore rino, mhemberero dzezuva iri dzakaitwa pasi pedingindira rinoti: “Kodzero Dzevanhu, Dzakakosha Mazuva Ose”.

 

Zuva reInternational Human Rights Day rinocherechedzwa nomusi wa10 Zvita gore negore zvichifambirana nehwaro hweUnversal Declaration of Human Rights (UDHR).

 

Vachitaura pamusangano wavakaita nevatori venhau muHarare nomusi weMuvhuro wadarika, Muzvare Majome vanoti vanotenda zvikuru Hurumende nekudzika mitemo inobatsira mukuchengetedza kodzero dzevanhu.

 

“Hurumende yedu iri kuita mabasa makukutu ekuona kuti kodzero dzevanhu dziri kuchengetedzwa seapo yakabvisa mutongo wekuurayiwa kuvapari vemhosva weDeath Penalty Act. Kune mitemo yawanda iri kuvandudzwa kuti vanhu vave nechengetedzo mukurarama kwavo yakadai zvekare sekusandurwa kwakaitwa mutemo wekubvuma kuenda panyaya dzepabonde uchibva pamakore 16 ekuzvarwa kuenda pa18 kuti zvifambirane nemutemo weMarriages Act. Nyaya dzekuroodzwa kwepwere idambudziko guru renyika asi tinovimba nekusandurwa kuri kuitwa mitemo munyika muchava nesanduko huru uye vapari vemhosva vari kupihwawo zvirango zvakaomarara,” vanodaro.

 

Muzvare Majome vanoti zvisinei neshanduko iyi, kuchine mimwe mitemo inoda kuvandudzwa yakadai seinoona nekushungurudzwa kwevanhu nekudzikisirwa kwavo pasi pemutemo weUnited Nations Convention Against Torture and Other Cruel, Inhuman and Degrading Treatment or Punishment (CAT).

 

Izvi zvinosanganisira mitemo yekuwaniswa magwaro kuvagari vemunyika nevauyi vanenge vakakodzera.

 

Muzvare Majome vanoti komisheni yeZHRC iripo pakutsigira nekuchengetedza kodzero dzevanhu zvichifambirana nechikamu cheSection 243 chebumbiro remutemo renyika.

 

“Vanhu vane kodzero dzekuwaniswa dzidzo, utano, chengetedzo, mvura, zvifambiso, pekugara pakati tsvetere, mabasa, kuwaniswa kwemashoko nezvimwe zvakawanda izvo zvinoita kuti vararame upenyu hwakanaka pasina kumbunyikidzwa uye vachigara vaine chiremerera chavo. SeZHRC, muHarare tichange tiri kuOverspill kuEpworth nedzimwe nzvimbo dzine mizinda yemaInformation Civic Centre edu idzo dzakatekeshera nenyika tichikusha mashoko echenjedzo maringe nekukosha kwezuva iri uye kodzero dzevanhu nekuvayambira kuti kana kodzero idzi dzichinge dzambunyikidzwa vanoenda kunomhan’ara kupi kuti vange vachibatsirwa,” vanodaro Muzvare Majome.

 

Vanoti vachange vachibatsira zvakare dzimwe nyaya dzinoda rubatsiro rwechimbi-chimbi.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×