Husiku hwose arere nechitunha

Tendai Gukutikwa naLiberty Dube

MURUME wekwaZimunya, kwaMutare anonzi akaponda mudzimai wake, ndokumanikidza mwanasikana wake ane makore 14 okuberekwa kuti atakure mutumbi wacho nebhara uyo akazopedza husiku hwose akarara pamubhedha mumwechete nechitunha ichi.

Masimba Blessing Nyazine (37) anonzi akaponda mudzimai wake, Janie Benito (49) achimupomera kuti aive amubatikidza achiita bonde nemumwe murume pedyo nemusha wavo.

Nyazine akasungwa zuva rakazotevera mushure mekunge mapurisa aziviswa nezvemhosva iyi.
Chiitiko ichi chakaitika mubhuku raBvirindi, kwaMambo Zimunya.

Mambo Zimunya, VaKiben Bvirindi, vanoti havana neremuromo sezvo izvi zvakaitika chinhambwe chisingasvike kiromita kubva pamba pavo.

“Zvinoshamisa. Nharaunda ino haina remuromo. Mushure mekuuraya mudzimai wake, sei akamanikidza mwanasikana wake kuti atakure chitunha chaamai vake mubhara? Nyaya dzinonetsa mudzimba dzinofanirwa kugadziriswa zvakanaka,” vanodaro.

Mambo Zimunya vanoenderera mberi vachiti, “Nyazine nehama dzake vakauya kuzondizivisa nezvehumhondi uhu. Izvi zvinhu zvisina kunaka uye hazvitenderwe.”

Nyazine akatomiswa mudare reMutare Magistrates’ Court pamberi pemutongi Muzvare Prisca Manhibi achitarisana nemhosva yekuponda. Akanzi kana achida bhera anokumbira kudare guru reHigh Court.
Muchuchisi VaTiriwamambo Kangai vakaudza dare kuti nemusi wa5 Kukadzi gore rino, Nyazine anonzi akarova Benito nemapazi emuti, nembama uye nezvibhakera muviri wose.

Anonzi akashandisa zvakare chombo chakapinza, icho chinofungidzirwa kuti chidhinha, kutema Benito pamhanza.

Nyazine anonzi akadzura mhotsi dzaive mumusoro wemudzimai wake ndokumubvisa mbatya dzaaive akapfeka.

Anonzi akamusiya ari mudivi reropa uye Benito akazofa nekuda kwemaronda ekurohwa kwaakaitwa.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×