Kingstone Mapupu
MURUME wekuCentenary, kudunhu reMashonaland Central, ari kunzi akabatikidzwa achishinha nembudzi yevaridzi muchirugu pakati pehusiku.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Inspector Milton Mundembe, vanotsinhira nyaya iyi vachiti yakaitika papurazi reZana nguva pfupi yadarika.
“Tine nyaya yemurume anongozivikanwa nezita rekuti Joseph asina kuziviswa makore ake ekuberekwa uyo akawanikidzwa pakati pehusiku achishinha nembudzi mudanga. Muridzi wembudzi idzi akanzwa ruzha rwembudzi ndokunoongorora kuti zvaimbofamba sei akawanikidza murume uyu achishereketa nembudzi,” vanodaro Insp Mundembe.
VaLawrence Chouma (37) vepaPlot number 12 kupurazi reTalms, kwakare kuCentenary, vanonzi nenguva dza12 pakati pehusiku vakamutswa nekuchema kwembudzi yaiva muchirugwi nedzimwe ndokunotarisa vaine fungidziro yekuti dzaiva dzapindirwa nechikara kana kuti nembavha.
“VaLawrence Chouma vakamuka ndokutora mwenje ndokunanga kuchirugwi chembudzi uko vakasvikovheneka vachibva vaona murume uyu achiita zvisina kunaka. Ipapo, akabva aregedza mbudzi iya ndokuhwanda kurimwe divi rechirugwi.
“Vakamutsvaga vakamushaya ndokuzoshevedza vavakidzani zvikazoita kuti murume uyu abude achitiza murima,” vanodaro Insp Mundembe.
Vanoti mukuferefetwa kwakaitwa nyaya iyi nemapurisa, zvakabuda kuti murume uyu anonzi Joseph uyo anoshanda pane rimwe purazi riri munzvimbo iyi.
Nyaya iyi inonzi yakazomhan’arwa kudare rasabhuku wenzvimbo iyi kuti murume uyu atongwe nemhosva yekuita chipini asi haana kuuya kudare.
“Joseph haana kuzopinda mudare rasabhuku weko sezvo akatiza uye haasati aonekwa kubva ipapo. Isu semapurisa, tiri kumutsvaga nenyaya yaari kupomerwa yekushereketa nembudzi,” vanodaro Insp Mundembe.




