Mai mwana pamba vhuu nembatya dzechikomba

Yvonne Chidochashe Manyanja
MUKADZI wekusada kurambwa mushure mekunzi akaenda kumba nembatya dzechikomba akachema-chema mudare achiti murume wake achiri kumuda.

Gloria Kabunze akamhan’arira Shademan Kashiri kuHarare Civil Court achiti ave kumuramba pamwe nekumuvimbisa rufu nekuti anofungidzira kuti ari kudanana nemumwe murume wemunharaunda yavanogara.

Kabunze akaudza mutongi wedare iri Gamuchirai Siwardi kuti: “Changamire, murume wangu ave kuda kundiramba, akatosvika pakundidzinga pamba achiti ndiri kuita zvechipfambi. Ini handisi kukwanisa kubva pamusha apa nekuti ndakabatsira pakuvakwa kwemusha wedu.

“Akandiudza kuti kana ndikaramba ndiripo achandiuraya. Haasi kumbofunga kuti tine vana tese, saka chikumbiro changu ndechekuti ndigare pamba apa uye asandirambe.

“Izvi ari kuzviita nekuda kwemurume ari kunditevera. Ndakamuudza kuti hapana chiri kuitika pakati pedu asi anondituka kuti ndiri pfambi pamberi pevana vedu. Kutaura kuno ndakaenda kunogara kuEpworth nekuti ndave kutotya kuti ndingafe, vana ndivo vandakanosiya kumusha kwavo.”

Kashiri akabvuma kuti ari kunetsana nemudzimai wake pamusana pechikomba chaakazoziva kuburikidza nemuzukuru wake.

Akati: “Uyu aiva mukadzi wangu wandaida zvikuru. Asi nenyaya dzake dzezvikomba handifungi kuti ndingakwanise kuenderera mberi ndichigara naye.

“Takabvira kare pamwe ndichitombomuregerera asi kungoti munhu asingadi kuterera. Mukadzi wangu dai aindida sezvaanotaura angadai akandiudza kuti ane mbatya dzemumwe murume mumba asi nekuti chikomba, akaona zvakafanira kunyarara.

“Kutaura kuno nyaya yedu iri kwamambo. Kumurova ndakamurova semunhu akanga ashatirwa uye mashoko ekumuuraya ndakaataura nekuti dzakanga dziri hasha dzekuti akange achiramba kurambwa.

“Ndakaenda kumusha kwake ndikapa baba vake $5 segupuro ndikavaudza kuti ndizvo zvakasakisa ndimurambe, zvekupinza chikomba mumba mangu.

“Zvisinei, baba vakati tinofanira kugara tese kusvika ndapedza kubvisa mari yeroora zvandisina kupokana nazvo. Ndiri kutogadzirisa izvezvi asi mukadzi handichamuda hangu.”

Mutongi Siwardi akapa Kabunze gwaro redziviriro. Akati zvakare Kabunze haatarisirwe kugara naKashiri nekuti vakarambana zviri pamutemo wechivanhu.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×