‘Huya tangodzokerana’

Mathew Masinge
SAMUSHA wekuenda kudare achiti anoeswa ndondo neaimbova mudzimai wake akazodemba achimukumbira ruregerero pamberi pemutongi apo aiti vadzokerane.

Artwell Karombe akamhan’arira aimbova mudzimai wake, Jaine Jena, kuHarare Civil Court achiti anyanya kumushungurudza kubva zvavakasiyana zvekutoti zvave kutomuondesa.

“Changamire, ndinoda kuti nditaure mudare rino kuti mudzimai iyeyu anouya kwandinoshandira nekwandinogara achindishungurudza nekundituka pakazara vanhu. Ini handina kana zuva randakambomushura kana nechii zvacho asi kuti dzimwe nguva ndinoshuvira kuti dai tadzokerana nekuti zvinhu hazvina kundimirira mushe. Iye haadi, anongoda mendenenzi yandinomupa iyoyi asi ichindionesa chitsvuku pakuiwana,” akadaro Karombe.

Karombe akati Jena anomupomera zvakare kuita hunzenza.

“Pose pandinotaura naye zvekuti tidzokerane anovhariridza nyaya yacho achinditi ndinoshamwaridzana nevanhukadzi vakawandisa saka ndivo vandinofanirwa kuita vakadzi vangu. Mwedzi yapera akambonditi hande tinoongororwa ropa ndikatoti kuda zvaita asi akangozonyarara kunyangwe zvazvo tose takawanikwa ropa redu rakachena,” akadaro Karombe.

Jena akaudza dare iri kuti: “Handina kana zuva randakamuudza mashoko anorwadza kana kuedzesera kumugumha. Munhurumeka uyu handingarwe naye ndikamukurira.

“Nyaya yaari kunzvenga ndeye kubhadhara mendenenzi chete, kwete zvake zvaari kutaura. Iye ndiye anononoka kubhadhara mari mwedzi yose zvekutoti ndini ndine tsitsi, dai achigara akavharirwa nemapurisa.”

Mutongi Barbra Mateko akatambira chikumbiro chaKarombe.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×