Mat. North yadzosa ZJC

DUNHU reMatabeleland North rakatanga zvakare kunyoresa vadzidzi bvunzo dzeZimbabwe Junior Certificate (ZJC) senzira yekusimudzira dzidzo iyo yaderera uku mumakore mashanu adarika.

Dunhu iri rine zvikoro zvesekondari zvinosvika 15 izvo zvisina kana mudzidzi mumwe akapasa pabvunzo dzakanyorwa gore rapera.

Mugore ra2013, Hurumende yakambova nepfungwa yekudzora bvunzo dzeZJC senzira yekusimudzira kupasa kwevana munyika mose. Kunyorwa kwebvunzo dzeZJC kwakamiswa muna 2000 nekuda kwekuoma kweupfumi sezvo zvakaonekwa kuti kurongwa nekunyorwa kwadzo zvaidhura.

Vachitaura vari kumahofisi avo ekuMhlahlandlela nemusi weChitatu chadarika, mukuru wezvedzidzo mudunhu iri, Mai Boithatelo Mnguni, vanoti bazi ravo rine chinangwa chekuti vadzidzi vabudirire mubvunzo uye vakayambira vamwe vakuru vezvikoro avo vari kugarira basa kuti vasunge dzisimbe.

“Sedunhu, takatora matanho akawanda ekuti vadzidzi vagadzirire bvunzo dzavo. Vadzidzi vachanyora bvunzo dzeZJC dzinosanganisira Mathematics, English, Ndebele, Tonga, Geography, History neIntegrated Science,” vanodaro.

“Chinangwa chebvunzo idzi hachisi chekuti tione vana vakakodzera kuenda kuForm 3, asi kuti dzinotibatsira kuti tione panoda kugadziriswa takatarisa dzidzo yevana mumakore maviri ari kutevera.” Mai Mnguni vanoti zvinenge zvabuda mubvunzo dzeZJC zvinozoshambadzwa kana vadzidzi vapedza danho iri pozoitwa ongororo nemushandirapamwe wevarairidzi vemudunhu iri kuti paonekwe kuti vangaenderera mberi nenzira ipi.

“Danho ratakatora nderekuona kuti vana vemudunhu rino vanyora bvunzo idzi uye dzinenge dzichigozha kudarika idzo dzinombonyoreswa neZimsec. Tine vanomaka bvunzo idzi avo vanotibatsira uye takaderedza chikamu chekupasa chaive pa5,” vanodaro Mai Mnguni.

“Bvunzo dzakanyorwa dzakatobuda. Vadzidzi vakapasa zvikuru uye tinotarisira kuti zvichabatsira mukusimudzira fundo yavo. Bvunzo dzakanyorwa nenzira kwayo zvekuti kunyangwe pavachazonyora bvunzo dzavo mumwedzi waMbudzi panenge pasisina kutya.” — Sunday News.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×