Hwindi akadonha ndokufa

Daphne Machiri

MUTYAIRI wekombi inoenda kwaMusana, kuBindura, akasungwa nemhosva yaari kupomerwa yekutyaira zvisina hanya zvikaita kuti akonzerese kufa kwahwindi ainge akarembera kumashure kwekombi ichifamba.

Jeremiah Shangai (32) anogara kubhuku rekwaChiveso akasungwa nemhosva yekukonzeresa kufa kwaElisha Shangai (32) uyo anonzi akange akabatirira kumashure kwekombi ichifamba.

Mutevedzeri wemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland Central, Assistant Inspector Fedelis Dhewu, vanoti njodzi iyi yakaitika mumugwagwa weBindura-Denda nemusi wa31 Zvita.

Vanoti Jeremiah akasungwa zvichitevera kunyeverwa kwakaitwa mapurisa neveruzhinji nezvenyaya iyi kuburikidza netsamba yakakandwa musuggestion box repakamba yemapurisa yemunzvimbo iyi zvikaita kuti nyaya iyi itange kuferefetwa.

“Jeremiah, uyo aityaira kombi yerudzi rweNissan Caravan AEU 6247 – muridzi wayo ari Ernest Chimedza (38) wepa2754 Erodrome Road, Bindura anoti akaona hwindi akajegera pabumber kumashure kwekombi ichifamba zvinova zvakaita kuti adonhe.

“Anoti akamira ndokusimudza hwindi Elisha akange adonha ndokumuendesa kunachiremba akazvimirira. Vakanzi vaende kuBindura District Hospital asi vari munzira vachienda ikoko ndipo pakabva pafa Elisha,” vanodaro Asst Insp Dhewu.

Vanoti Jeremiah akatakura Elisha akakuvara kudaro asi maringe nemutemo weRoad Traffic Act aifanirwa kumhan’ara tsaona iyi kumapurisa.

Asst Insp Dhewu vanoyambira vari mubasa remakombi kuti vasiyane netsika yekurembera kumashure mota ichifamba.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *