Marondera Yunivhesiti yotangwa

MUTUNGAMIRI wenyika President Mugabe, vakasaina gwaro remutemo reMarondera University of Agricltural Sciences Act, izvo zvichaita kuti yunivhesiti iyi ichitanga.

Yunivhesiti iyi inotarisirwa kuitisa zvidzidzo zvinoenderana nekushandiswa kwemichina yechizvino-zvino mukusimudzira mabasa ekurima.

Gwaro remutemo uyu rakapasiswa nedare reParamende muna Chikumi.

Kuvakwa kweyunivhesiti yekuMarondera iyi kuchaita kuti huwandu hwemayunivhesiti eHurumende husvike pamapfumbamwe uye uku kuzadzikiswa kwechinangwa chekuti mapurovhinzi ose munyika ange aine mayunivhesiti.

Mamwe mayunivhesiti ndeanoti University of Zimbabwe, Midlands State University, Chinhoyi University and Technology, National University of Science and Technology, Lupane State University, Bindura University of Science Education, Great Zimbabwe University neZimbabwe Open University.

Zimbabwe ndiyo iri pamusoro muAfrica yose mukuva nevanhu vanogona kunyora nekuverenga.

Kubva payunivhesiti imwe chete panguva yakawana nyika ino kuzvitonga kuzere muna 1980, Zimbabwe yave nemayunivhesiti pamwe nemakoreji edzidzo yepamusoro akawanda zvikuru.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *