Imbodya sadza nehove

HOVE husavi hwakanaka zvikuru, huri nyore kubika uye dziine kudya kunovaka muviri semaputoteni. Svondo rino Moreblessing Chekero wekuGlen View 3, muHarare, anotsanangurira mamwe mabikirwo ehove.

Zvinodiwa:
Hove nyoro, munyu, mafuta, hanyanisi, pani nechipunu.

Mabikiro:
Para hove dzibve makwati ese.
Dzitumbure ubvise matumbu ese.
Dzigeze dzichene, wodzimwaya munyu nemasipaisi aunoda.
Zorera mafuta mashoma mupani woisa hove imomo.
Chidziisa muhovheni uchipota uchipindura kuti dzisatsva.
Kana dzaibva, dzinoonekwa nekutsvukira uye dzinenge dzisingachabude mvura.
Chibura wozobika muto kana kuti supu padivi.
Usakanganwa kuisawo twumuriwo twemashizha parutivi.
Hove dzinodyiwa nesadza remhunga, rezviyo, remapfunde kana nemupunga.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *