‘Imboitai zvemabhuku mosiya zvepabonde’

Daphne Machiri
VANA vechikoro vanokurudzirwa kuti vasamhanyire kuita zvepabonde sezvo zvichizokonzera matambudziko anosanganisira kuita pamuviri pasina kurongeka kana kutapurirwa zvirwere, asi kuti vafunge nezvedzidzo iyo inoumba remangwana ravo.

Kurudziro iyi yakaitwa naVaEdward Shumba, avo vanova mukuru wedzidzo kudunhu reManicaland, apo vaitaura paMuzokomba Government Secondary School, kuBuhera, pagungano reDistrict Career Day.

“Verengai mabhuku mupase muchikoro kuitira kuti muzoenda kumayunivhesiti muchigadzirira remangwana renyu.

“Zvekuswera muchiita zvimwe zvisina basa zvinosanganisira kuenda pabonde muchiri vana hazvina zvazvinokubatsirai, asi kungounza nhamo nematambudziko bedzi.

“Muchaita pamuviri pasina kugadzirirwa kana kubatira zvirwere mozvikanganisira upenyu hwenyu. Kuvanakomana, siyanaiwo nezvinodhaka nekuti hazvina zvazvinokupai,” vanodaro VaShumba.

Pagungano iri, vana vakabva kuzvikoro 216 zviri muBuhera vakawana mukana wekupihwa mazano pamusoro pemabasa avanogona kuita mune remangwana. VaShumba vanoti chirongwa cheCareer Day chakakosha zvikuru sezvo chichibatsira vana mukugadzirira remangwana ravo.

“Vana vechikoro mazuva ano vava nemukana wakakura wekuti vaite zvidzidzo zvavo vakasununguka nekuda kwekuti zvidzidzo zvaveko zvinosanganisira zvemabasa emaoko nekushandiswa kweruzivo rwechizvino-zvino rwakaita semakombiyuta nedandemutande vachiita tsvakiridzo dzavo vakasununguka,” vanodaro VaShumba.

Vachitaurawo pagungano iri, VaGodfrey Chimbwanda, avo vanova District Schools Inspector weBuhera, vanorumbidza zvirongwa zveCareer Day.

“Kare, vana vekumadhorobha ndivo vaive nemukana wekuwana zvirongwa zvakadai, asi isu takaona zvakakosha kuti zvisvikewo kumadistrict ose nekuda kwekuti mwana wose ane kodzero yekuwana dzidzo yepamusoro,” vanodaro VaChimbwanda

“Ndinoti vana vari muzvikoro zvekumaruwa havafaniri kuzvitarisira pasi, dzidzo kumwana wose pasina rusarura. Ndinokukurudzirai kuti mudzidze nesimba kuti muve neremangwana rakajeka,” vanodaro.

Related Posts

‘Vashandi veHurumende rongerai remangwana’

    Lovemore Kadzura   VASHANDI veHurumende vanokurudzirwa kuchengetedza mari yavo nekuishandisa zvine ungwaru kuitira kuti varambe vachirarama hupenyu hwakanaka mushure mekunge vasiya basa vave pamudyandigere. Mashoko aya akataurwa naMai…

EMA yoshandisa michina yemuchadenga mukurwisa moto wesango

    Muchaneta Chimuka SANGANO reEnvironmental Management Agency (EMA) riri kuvandudza mabasa aro ekurwisa moto wesango kuburikidza nekushandisa michina yechizvino-zvino yemakombiyuta kusanganisira yemuchadenga (Satelite Computer-Generated Risk Mapping). Izvi zvinoita kuti…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *