Musikana webasa anorova ‘bhasa’. . . nekumudira mhiripiri kumeso

Yvonne Chidochashe Manyanja
PANE musikana anoshanda mumba akamiswa mudare redzimhosva achipomerwa kutema amai vaanoshandira nebhodhoro rizere mhiripiri, imwe yacho achivadira kumeso, uye anonzi zvakare akadzura derere nemuriwo mushure mekunge asina kubhadharwa mari yake yemuhoro.

Isitombizodwa Saungweme akamhan’arira Tariro Chironda kuHarare Civil Court achiti anokonzera mhirizhonga nekuda kwechikwereti chemari yake yaakashandira.

Saungweme akaudza mutongi wedare Barbra Mateko kuti: “Changamire, ndiri kudawo kudzivirirwa nedare nekuti handichisina mufaro nekuda kwemusikana uyu. Anouya achinditema nebhodhoro rizere mhiripiri pamwe nemunyu. Anotondidira mhiripiri yacho kuti ndisaona uye izvi anozviita nekuti anoti anoda derere rake raakadyara raakaona ndichicheka. “Pane zvese zvaari kuita ari kuti ndakamushandisira mahara. Akadzura derere rangu rose nemuriwo zvaiva mumunda. Ruzha rwacho rwaari kuita rwakanyanya, ndave kutotya kuti anogona kutondiuraya.”

Akati Chironda anouya zvakare kubasa kwake achiita mhirizhonga nekudaro ave kutyira kuti maitiro ake aya anogona kumudzingisa basa.

“Pamusoro pazvo, akafonera mwanakomana wangu achiti anoda mari kubva kwaari.” Chironda akabvuma zvose zvaakanenerwa ndokuti Saungweme akamushandisira mahara.

“Changamire, amai ava ndakavashandira mutuckshop yavo kubva mugore ra2010 ndikamboenda vakandidaidza ndikatanga kuvashandira kubva gore rapera kusvika iye zvino pavave kundimhan’arira. Vange vasiri kundibhadhara mari yangu yemwedzi mishanu yadarika nekuti vanoti mwana wangu akavarasira mari.

“Ndakavaudza kuti kushanda kwandinoita ndinoda kubhadharira mwana wangu mari yechikoro asi vanoramba. Kana vachida kudzivirirwa kubva kwandiri handina hangu dambudziko nechikumbiro chavo nekuti handina zvandingavaite, munhuwo anongotsvaga kurwadzisa vanhu vari kutozvitamburirawo,” akadaro.

Mutongi Mateko akapa gwaro redziviriro kuna Saungweme akati vaviri ava vanofanira kutaurirana murunyararo.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×