Indasitiri yekurimwa kwemasamba ekofi yosimukira

Lovemore Kadzura

CHIKAMU chekurimwa kwemasamba ekofi, icho chiri kuManicaland, chiri kusimukira zvakare zvichitevera kumutsiridzwa pamwe nekuvandudzwa kuri kuitwa indasitiri iyi.

Mushure memakore makumi maviri ekudzikira izvo zvaita kuti varimi vashaye mari uye nyika ichishayawo mari yekunze, vemasangano anoona nezvekurimwa kwekofi vachangobva kuungana kwaMutare vachizeya matambudziko akatarisana neindasitiri iyi.

Musangano uyu wakaburitsa pachena mukana wepurovhinzi iyi mukurimwa kwekofi uye wakasimbisa kukosha kwekutsigira varimi vadiki, avo vanotarisirwa kuzadzisa mukaha wakasiiwa neveminda mikuru.

Mapoka ari pasi peHurumende, anosanganisira Coffee Research Institute, madhumeni neHorticultural Development Council (HDC), ari kupa zvekushandisa, dzidziso nerubatsiro kuvarimi vadiki.

Rutsigiro rwakakosha panyaya yekusimudzira varimi kuti vawedzere goho uye vachibura kofi ine hunaku hwemhando yepamusoro-soro.

Varimi vadiki vakatanga kurima kofi muna1982 izvo zvakavavhurira mukana wekusimukira muchikamu ichi.

Pakazosvika makore ekuma1990, chikamu ichi chakakwira zvakanyanya, chichibura matani 15 000 uye nekuwanisa mabasa vanhu vanopfuura 20 000.

Sekutaura kwebazi rezveminda, kurima, mvura, hove nekusimudzirwa kwemaruwa, varimi vadiki vave kubura matani 60.

Kunyangwe zvazvo zvivakwa zvekugaya mukuvandudzwa kwechirimwa ichi zvichikwanisa kugaya matani 50 000, nekudaro  zvinoramba zvisingashandiswe.

Chikamu ichi parizvino chine vanhu 12 000 vari kushanda mumabasa akasiyana-siyana.

Nekuda kwekudiwa kwemasamba ekofi pasi rose, ayo ane mutengo weUS$7 pakirogiramu, indasitiri yemuZimbabwe ine mukana mukuru wekusimukira.

Vane chekuita nekushanda pamwe chete mukumutsiridza indasitiri iyi, varimi vadiki, vanotarisirwa kuita basa rakakosha mukufambisa mberi nyaya iyi.

Vachitaura pamusangano wekofi nguva pfupi yadarika, Gurukota rinoona nezvedunhu reManicaland (Provincial Affairs and Devolution), Advocate Misheck Mugadza, vakaburitsa pachena kuti chikamu chekofi chinogona kubatsira veruzhinji, kusimudzira raramo pamwe nehupfumi hwenyika.

Adv Mugadza vanotsinhira kuti rutsigiro rwukaramba rwuripo, indasitiri yekofi inogona kudzokera pambiri yayaimbova nayo uye igobatsira zvakanyanya mukusimukira kwechikamu chezvekurima munyika.

“Mudunhu reManicaland, varimi vari kurima kofi vari kuramba vachiwanda, apo pari zvino vanosvika 1 500, pakati pavo 1 000 vari kuratidza budiriro inoyemurika. Gore negore purovhinzi iyi ine chinangwa chikuru chekuti panosvika gore ra2030 tiwane goho rinosvika matani 10 000 uye mari inotarisirwa kunge ichiburwa iUS$50 miriyoni kubva muchikamu ichi icho chakakosha gore rega rega,” vanodaro.

Business development advisor kuHDC, VaMicheal Jenrich, vanoti varimi vadiki vanoda rubatsiro rwakakwana kuti vawedzere kurima kwavo.

“Manicaland ndiyo muzinda wekurima kofi. Kofi nezvimwe zvirimwa zvinobudirira muno uye tinofanira kutarisa pane zvatinogona,” vanodaro VaJenrich, vachisimbisa kukosha kwekugadzirisa mitemo kuitira kuti pave nemamiriro ezvinhu akanaka ekurimwa kwekofi.

“Kofi chirimwa chisiri nyore uye chinodhura kurima. Kunyange zvazvo zvingaita sezviri nyore kune vekunze, varimi vanosangana nematambudziko akasiyana. Tinofanirwa kutsvaga nzira dzekudyidzana nevarimi vemhando dzose kuti tibudirire mutarisiro yedu,” vanodaro.

Murimi wekuChipinge uye ari mukuru weSoko-Agri Global, VaKeegan Mushakwe, vanoti kofi chirimwa chakakoshera Zimbabwe uye chinoda rutsigiro rwakadzama kuti chidzokere pambiri yachaimbova nayo kare.

“Kofi chirimwa chakaoma chinoda kungwarirwa kuti chichengetedzeke. Kubva pakudyara kusvika pakukohwa, kugadzira, nekutengesa, nzira dzakawanda dziripo,” vanodaro.

VaMushakwe vanotambira nemufaro chisungo chemabhanga chekubatana nevarimi mukumutsiridza indasitiri yekurimwa kwekofi.

Vanorumbidzawo zviri kuitwa neHDC kubatanidza varimi pamwe nekuongorora nzira dzekumutsiridza minda midiki yekurima.

“Varimi vanofanira kupanana ruzivo nemazano. Sechirimwa chakakosha mukusimudzira hupfumi hwenyika pamwe nekuwanisa  mari yekunze, chikamu chekofi chinofanirwa kuwaniswa rutsigiro rwakadzama. Tinokwanisa kudzosera chikamu ichi mumbiri yacho  yekare, tichishandura maonero emuno nepasi rose. Kofi yemuZimbabwe inofanira kuzivikanwa nehunaku hwayo uye kuve yemhando yepamusoro-soro,” vanodaro VaMushakwe.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×