India yobatsira dzidzo yeZim

NYIKA yeIndia yakazvipira mukusimudzira dzidzo yemuZimbabwe kuburikidza nekupa mabhezari kushasha dzezvidzidzo zvakasiyana zvinosanganisira zvekusimudzirwa kwemaruwa nekushandiswa kwemichina yechizvino-zvino.

Mashoko aya akataurwa nguva yadarika nemumiriri weIndia muZimbabwe, Ambassador Surinder Datta, pamhemberero dzezuva reIndian Technical and Economic Cooperation Programme (ITEC) muHarare.

“Ticharamba tichibatsira nemabhezari ezvidzidzo zvinounza budiriro yenyika, zvinosanganisira IT & Telecommunications, management, mabhizimisi madiki nekusimudzirwa kwemaruwa.

“Donzvo nderekuti Zimbabwe ikwanise kuzviitirawo zvakaita sekugadzira mishonga, migwagwa, kusimudzira mabhizimisi madiki anovandudza upfumi hwenyika nemabasa anosimudzira vagari vekumamisha,” vakadaro Ambassador Datta.

Vakati India, kubvira mugore ra2010 yabatsira vadzidzi vemuZimbabwe vanodarika 600 nemabhezari ekuti vaite zvidzidzo zvakasiyana kunyika yavo.

“Tinovimbisa zvakare kuti chirongwa ichi chicharamba chichienderera mberi mugore ra2016. Tiri kutarisira kupa vadzidzi vane chitsama mabhezari kupfuura makore adarika,” vanodaro Ambassador Datta.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, Cde Walter Muzembi, vakatenda nyika yeIndia nekubatsira kwairi kuita kusimudzira dzidzo yemuZimbabwe.

“Tinozvikudza zvakadai izvi. Zvakakoshera budiriro yenyika apo vadzidzi vanenge vapedza zvidzidzo vanouya vachishandira nyika,” vanodaro Cde Mzembi.

“Tinotenda nemabhezari aya uye tine chivimbo chekuvandudza upfumi hwenyika yedu takazvimiririra.”

Chirongwa cheITEC chakaparurwa nehurumende yeIndia mugore ra1964 nedonzvo rekubatsira nyika dzichiri kusimukira muupfumi hwadzo.

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×