‘Ipai mari kuhomwe yeznfp’

cathrineTAKATARISANA nenhau yekubvisa pamuviri, vamwe vangati senyika dai kubvisa mimba kwatenderwa asi takabva kunyora nekubvumirana mubumbiro remutemo zuro uno uko ruzhinji rwakati kwete, kwete kubvisa mimba humhondi.

Pane nguva inotenderwa kubvisa mimba kune munhu wechidzimai sekuti kana abhinywa apo anobviswa chete navanachiremba nenguva yakafanira. Izvi zvinotenderwa pasi pemutemo weSection 4 of theTermination of Pregnancy Act.

Mimba inogona kubviswa zvakare nanachiremba ndeiyo inenge iine njodzi kuna amai vakaitakura kana kuti mwana ari panjodzi yekuzvarwa akaremara.

Tinoziva kuti kubatwa chibharo kwakaoma uye munhu haangafanire kuchengeta chibereko ichi nekuti haana kusarudza kubata pamuviri.

Zvino takatarisana nevanhu vanobata pamuviri nekuda kwavo vomuka vachiti mutemo ngautendere kukwachura mimba, ndinoona zvisina kukodzera. Kana munhu asingade hafanire kubata mimba. Kune nzira zhinji dzekudzivirira mimba. Kune mapiritsi anonwiwa zuva nezuva. Kune jekiseni redepo provera rinobaiwa iro rinogara mwedzi mitatu munhu akadzivirirwa kuti asabata mimba. Kune makondomu kune vaye vangoita zvekufungira ipapo asi anodzivirirawo zvakare. Kune kusungwa kuti amai vasabate mimba zvakare uye kune kapiritsi kanoiswa muruoko rwemudzimai ako kanonzi Norplant kanoshanda kwemakore mashanu chaiwo. Kana mudzimai akafunga kuti ave kuda kuita mhuri iye ari mugore rechipiri anoenda zvakare kuchipatara anobviswa kapiritsi kaye.

Dr Ruth Labode avo vanove sachigaro wekomiti yedare reParamende rinoona nenyaya dzezveutano (Parliamentary Portfolio Committee on Health and Child Welfare) vanoti mimba dziri kubviswa muchivande dzawandisa uye ratove dambudziko.

Vakataura izvi muParamende nguva yadarika vachiti Hurumende ngaione zvekuita.

“Hurumende ngaiwedzere homwe yemari kuZimbabwe National Family Planning Council (ZNFP) kuti vakwanise kupa rubatsiro kune vose vanoda kuronga mhuri. Kune ruzhinji rusingakwanise kuwana dziviriro yekuronga mhuri. Kune madzimai anoshaya mari yemapiritsi chaiwo ekuronga mhuri naizvozvo vakadai vanofanira kunge vachiwana rubatsiro. ZNFP inofanirwa kuve navanambuya sekare vanofamba mumisha inogara vanhu vachipa dzidzo nemapiritsi kana makondomu kune vanhu vanoda izvi,” vakadaro Dr Labode.

Vanoti mazuva avo vachashanda sachiremba vaisangana nemadzimai aiti mimba yabva yega asi ivo vaita mimba yekubvisa uye vaiona kuti nhamo chaiyo ndiyo yainge yakonzera kuti munhu abvise mimba iyi.

Dr Labode vanoti zvekubvisa mimba kudzimba zvine ngozi huru.

“Madzimai mamwe aipedzisira atobviswa chibereko chose nekuti vainge vakuvara.

‘‘Vamwe ndovaiuya vava kutoda kuora uye havaizokwanisa kuita pamuviri mune remangwana, vamwewo ndovaitofa vanonoka kuuya kuchipatara.

“Mudzimai mumwe chete iyeye ati mimba yabva yega waiwana muchibereko muine mishonga nemidzi kuratidza kuti mimba yaita zvekubviswa,” vakadaro Dr Labode.

Zimbabwe inopa kodzero kumudzimai kuti arapwe mushure mekunge mimba yabva uye zvisingatariswe kuti yabva sei.

Hurumende inokoshesa upenyu hwamai nevana.

Vanhukadzi, kunyanya vasikana vari muzvikoro nemakoreji, ndivo vanowanikwa vachinwa kapiritsi kanonzi pachirungu ‘morning after’ mushure mekurara vasina dziviriro. Kapiritsi aka kanoita kuti munhu asabate mimba mukati memaawa 24.

Madzimai, zviri nani kutsvaga rubatsiro uchabatsirika. Jekiseni redepo ririko, makondomu uye Norplant naizvozvo hakuna anofanirwa kufa achibvisa mimba.

 [email protected]

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×