‘Ipai vana chikafu chinovaka muviri’

Daphne Machiri
GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti zvakakosha kuti vana vechikoro vawaniswe kudya kunovaka muviri kuitira kuti vagodzidza zvakanaka. Vakataura mashoko aya svondo rapera pakuparurwa kwebhuku rezvekudya zvevana, iro rakadhindiswa nekambani yeNestle Zimbabwe, rinonzi “Healthy Kids, Eat well, Play well and Grow well”. Bhuku iri rinokurudzira vana kuti vadye zvine utano.
Dr Dokora vakati bhuku iri rinofanirwa kuwanikwa mumalibrary ezvikoro sezvo richibatsira zvikuru pakusimudzira utano hwevana.

“Bhuku iri richabatsira zvikuru vana, isu zvakare sebazi tinokurudzira kuti vana vawane chikafu chakakwana apo vanoenda kuchikoro inova kodzero yavo. Kana vana vaine utano vanodzidza zvakanaka,” vakadaro Dr Dokora.

Vakati muzvikoro munofanirwa kuve nezvirongwa zvekupa vana zvekudya.
“Tsvakiridzo yakabuda muongororo yakaitwa neveThe Zimbabwe Vulnerability Assessment Committee (ZIMVAC2014p79) inoratidza kuti kudyiwa kwezvikafu zvinovaka muviri kuvana vechikoro kwakadzikira zvinova zvinokonzera zvirwere zvakaita semanyoka nechikosoro naizvozvo tinoti vana ngavapihwe chikafu chinovaka muviri,” vakadaro Dr Dokora.

“Isu sebazi takaona zvakare zvakakosha kuti tibatane nekambani yeNestle Zimbabwe mukukotsvera mitambo yebhora nekumhanya kubudikidza nesangano reNational Association of Primary School Heads (NAPH).”

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×