‘Ipai vanyori vachiri kusimukira mukana’

MUMWE munyori wechidiki wemabhuku ari kunyunyuta nekuda kwekushaikwa kwemikana yekuti vanyori vachiri kusimukira vatsikise zvinyorwa zvavo kuti zvigoverengwawo neveruzhinji. Serious Hodzi (24) anoti pane vanyori vechidiki vakawanda vari kusangana nematambudziko enovatadzisa kudhindisa zvinyorwa zvavo.

“Ndakatanga zvekunyora mugore ra2008, uye kusvika pari zvino mitambo yandinayo inosvika 25. Zvandinonyora ndinoita zvekurotswa kuhope,” akadaro.

Chishuwo chake ndechekuti zvinyorwa zvake zvitsikiswe kuitira kuti zvigozoverengwa neveruzhinji.
“Ndinoshuvira kuti ruzhinji rweZimbabwe runzwe nekuona mabasa angu sanyanduri. Asi matambudziko andiri kusangana nawo ndeekuti ndiri kubirwa zvinyorwa zvangu nevanhu vandinenge ndaratidza zvandinonyora uye ini handina chandinozowana,” akadaro Hodzi.

“Ndinotsvaga rubastiro rwokuti ndikwanise kuisa zvinyorwa zvangu kune vanodhinda mabhuku.”
Hodzi anoti anopinda muzvikoro achidzidzisa vana kunyora nhetembo nekuita madhirama.

“Ndine zvikoro zvandinoenda ndichidzidzisa vana kunyora nhetembo, mabhuku pamwe nemadhirama pachena,” akadaro.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×