Shasha 500 dzomhanya muTanganda marathon

SHASHA dzemujaho wemarathon dzinosvika 500 svondo rino dziri kunanga kwaMutare uko dzichange dzichikwikwidza mumujaho weTanganda Half-marathon. Gore rino shasha dzekumhanya dzichakwikwidza mumijaho yakareba 21 km, 10 km pamwe neyerelay 4X500. Kambani yeTanganda, iyo iri kukotsvera makwishu aya, yakadira mari inosvika US$15 000 uye shasha dzine mukurumbira dzakaita saStephen Muzhinji nevamwe vari kusimukira vanosanganisira Tawanda Munemo vanotarisirwa kunge variko kumujaho uyu.

Nhengo yekomiti iri kuronga makwikwi aya, Simon Takaruwa, akati gadziriro dzemujaho uhu dziri mugwara chairo uye changosara chete kuti uchiitwa.

“Zvese zvinodiwa pakugadzirira mujaho uyu takapedza changosara ndechekuti zuva racho risvike nekuti tinoda kuona kuti shasha yekutiza pasi ndeipi.

“Gadziriro dzacho dziri kufamba mugwara chairo zvekuti svondo rino tiri kutarisira shasha dzinosvika 500 idzo dzichauya kuzokwikwidza pamujaho uhu.

“Mujaho uhu uchange wakabaka zvikuru nekuti tinotarisira kuona shasha ine mukurumbira pakumhanya marathon Stephen Muzhinji achiuya kuzokwikwidza pamwe nevamwe vari kusimukira mumutambo uyu.

“Mibairo ichange iriko izere yatichange tichipa kune vachahwina musi uyu,” akadaro Takaruwa.
Zvakadaro, Munemo svondo radarika akahwina menduru yebronze kumujaho weEconet Victoria Falls Marathon uko akapedza ari pechitanhatu mumujaho wevakuru asi kuvana vechikoro ndiye akakunda vose.

Maneja waMunemo anove zvakare murairidzi wake, Henry Man’oro, akati ari kuona chiedza chakanaka pane muchinda uyu uyo ane makore 18 ekuberekwa.

Anoti ari kumutirena zvakasimba kuti anohwina svondo rino kumujaho weTanganda half-marathon.
“Munemo tiri kumugadzira zvakasimba nekuti svondo rino tiri kuda chaizvo kuti anohwina kwaMutare.
“Mukomana ane tarenda uye anoshanda nesimba pane zvaanoita zvese saka tinotarisira zvikuru kuti achahwina,” akadaro Man’oro.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×