naIgnatius Mabasa —
INZWA misoro yenhau yakasimudza musoro kunge nyoka ine huturu:
1. Ndakamitisa vakadzi vevanhu: Muporofita.
2. Obuda majuru nemasvosve achifamba.
3. Muporofita akabatwa nerunyoka.
Nhaiwe uri kubvinza hupombwe kunge mugoro wemvura wekudongo, umbori waani chaizvo? Uri muporofita werima, uri wehupombwe nekuti Mwari havana maporofita akaita sewe. Munhu wese akasikwa nemufananidzo waMwari, uye akafemerwa mweya naMwari, asi nyangwe munhu aine mweya waMwari, kune mumwe anoramba Mwari ane mweya uri maari. Varume musakuchidzire moto nerurimi muchitamba nezita raMwari.
Asi handina kunangana neivavo vanoramba Mwari, asi ndiri kuda kutaura newe iwewe wakagashira Jesu semuponesi kunge vanhu vanoti maporofita asi dziri mhombwe. Iyewe unoziva kuti Jesu akafa kuti iwe uve nehupenyu husingapere.
Ichokwadi here kuti uri waJesu? Unomuda chaizvo-izvo here iye Jesu uyu? Iye tikamubvunza Jesu uyu kuti iwewe uri wake here, anobvuma kuti zvechokwadi uri wake here?
Nekuti Jesu watinoti ndewedu uyu ane vanhu vaakaramba vakanga vachifunga kuti ndevake.
Mumwe murume akarambwa naJesu iye ari mufundisi wechechi anotoparidzira vanhu nezvaJesu. Asi Jesu akamuti, “Kana ndikadzoka nhasi kuzotora vanhu vangu, iwe handikutore nekuti une tsvina.
Mufundisi vakarambwa naJesu havana kurambirwa tsvina yekusageza, kwete. Mufundisi vakarambirwa hupombwe hwavaiita mupfungwa dzavo vachichiva vanhukadzi zvekusvika pakuvabvisa mbatya nekusvika kumberi-mberi.
Chipafunga, mufundisi vakarambirwa pfungwa dzavo dzaitarisa vanhukadzi zvekutosvika pakupinda navo pabonde mupfungwa dzavo. Ko iwe uri kutumirwa nekutumira ponogirafu pamafoni, pamacomputer uri waKristu Jesu here? Kana akauya nhasi unomumhanyira here kana kuti unomhanya uchimutiza?
Kana uri waKristu Jesu wakaroverera nyama pamuchinjikwa here? Nyama ine simba zvekuti Ferina akazoti, “Mwoyo unobanhira tenzi kumadziro!”
Mwoyo inhengo diki, vana chiremba vanoti mwoyo wakada kukura sechibhakera chako.
Zvino kana kanhengo kadiki kudaro kachibanhira tenzi kumadziro, zvinoreva kuti kari kuuraya muridzi wako. Ndicho chikonzero chinoita kuti vazhinji vedu tizoti kana tapara mhosva titaure kuti, “Handizive kuti chii chakanga chandibata.”
Wakanga wakabatwa nenyama inoda kuroverwa pamuchinjikwa. Kana nyama ikaroverwa pamuchinjikwa, kufanana naJesu, inofa kuti iwewe ugone kurarama. Kana nyama yako ikaramba iri mhenyu, inofanana nenyoka yarohwa ikasiiwa isina kufa iri parutivi penzira. Ine waicharuma kuti ipedze shungu.
Nyama haingochiva chete, asi ine zvainoshuva. Kushuva kutambudzikira chimwe chinhu zvekuti kana nemisodzi inobuda, uye vamwe vanotopenga zvekutouraya vamwe nekuti nyama iri kushuva kuwana zvimwe zvinhu.
Nyama inoshandiswa nevanhu kupfekedza mwoyo yedu mashutazi ebhora kuti mwoyo igotibanhira kure kure kwazvo.
Nyama ndiyo inotuma kubata chibharo, kuita hupombwe, kuroya, kuba, kudyisa, kudhakwa, kuzvida, kunwa mapiritsi nemishonga yekuti uite zvausina kusikwa naMwari wakaita.
Kana uri waKristu Jesu, uraya nyama shamwari. Kana mauri muine vanhu vaviri, wacho asiri iwewe ngaabude kusare iwewe chaiye ari oga. Kana mauri muine vanhu vaviri, ari kutaura izvozvi ndiwe here kana kuti ndiye mumwe uye uye? Iyeye asiri iwewe ngaaende kwaakabva nekuti kana Jesu auya achakubvunza kuti wakambomupawo here chanzi seyauri kupa hupombwe.
Bhaibheri rinoti, “Avo vari vaKristu Jesu vakarovera nyama pamuchinjikwa nokuchiva kwayo nezvainoshuva.”



