Tandayi Motsi
HURUMENDE inoti zvakakosha kuti veruzhinji vajairire kurarama upenyu hutsva zvichitevera kuuya kwechirwere cheCovid-19 uye havafanirwe kuvarairwa panyaya yekudzivirira kupararira kwedenda iri zvisinei nebudiriro yavepo pakurirwisa.
Vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri muguta reHarare mushure memusangano weNational Taskforce on Covid-19, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Senator Monica Mutsvangwa, vanoti zvakakosha kuti munhu wose abatsire muhondo yekurwisana nechirwere ichi.
“Senyika, tinofanirwa kushanda pamwe mukurwisa chirwere ichi. Nguva imwe neimwe yaunoenda panzvimbo inoungana veruzhinji zvisina tsarukano usina kupfeka masiki yako nenzira kwayo, paunobatana maoko nevamwe uye apo unoenda pakaungana vanhu, unenge uchizviisa panjodzi yekubatira chirwere ichi.
“Vanhu vemuZimbabwe, tinofanirwa kujairira mararamiro matsva ayo anoderedza njodzi yekuti tisabatwe nedenda iri,” vanodaro Sen Mutsvangwa.
Vanoti mamiriro akaita zvinhu pari zvino anoratidza kuti pane shanduko iripo maringe nekupararira kweCovid-19 kana zvichienzaniswa nenguva yadarika.
“Asi, izvi hazvifanirwe kuonekwa sechikonzero chekuti tichishaya hanya asi kutevedzera zvakasimba matanho akatarwa ekuedza kumisa kupararira kweCovid-19,” vanodaro.
Sen Mutsvangwa vanoti mitemo iripo yekudzivirira kupararira kwedenda iri ine chinangwa chekuchengetedza utano neupenyu hwevanhu nekudaro zvakakosha kuti veruzhinji vaitevedzere.
“Vanhu vemuZimbabwe, ngatishandisei mwedzi mutsva uyu (Kukadzi) kusimbaradza nyaya yekurwisa Covid-19. Kana tichitarisa kune zvakaitika mwedzi wadarika, zvine dzidziso nechenjedzo huru kune mumwe nemumwe wedu uye zvichipa muono zvakare wekukosha kwekubatana nekushanda pamwe kuti tigokunda chirwere ichi.”
Sen Mutsvangwa vanoenderera mberi vachiti, “Ngatipfekei mamasiki edu, tozora sanitizer, toita hutsanana uye togara kudzimba.”
Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, muZimbabwe vanhu 33 814 vange vawanikwa vaine hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera chirwere cheCovid-19.
Pavarwere ava, 26 794 vakatopona asi vamwe 1 254 vakafa.



