‘Iwe waingova murume wezita’

Janet Chikotosa
MUMWE murume akachema-chema mudare achiti aimbove mukadzi wake ane katsika kekushinha nemurume akazomuroora apo mwana wavo anenge achiona, nekudaro anoda mvumo yekugara nemwana uyu.

Francis Nyamundanda akamhan’arira Synodia Chinhoyi kuHarare Civil Court achida mvumo yekugara nemwana wavo.

“Vakuru vedare ndinokumbirawo gwaro rekuti ndikwanise kugara nemwana wangu ndega. Zviri nani ndichengete mwana ndega nokuti mudzimai wangu akatiza pamba akanoroorwa nemumwe murume pamwe chete nemwana wangu.

“Anorara mumba imwe chete nemwana nemurume uyu. Vanoita bonde mwana akatarisa. Mwana anodzidzei pakadai? Hakusi kushaya hunhu here uku? Akafunga zvake anongosiya akavharira vana mumba kwezuva rose iye asipo,” akadaro.

Chinhoyi akaudza dare kuti akatiza Nyamundanda nekuti akange asingachengete vana.

“Murume uyu ndakamutiza nokuti haachengete vana.

‘‘Haazive kuti vana vadyei, vapfekei uye mari yechikoro haabhadhare. Ndingamirire kugara nemurume akadaro here? Zvakangofanana nekugara ndega.

“Handingararame seshirikadzi murume ari mupenyu, uyu aingova murume wezita,” akadaro.

Mutongi Barbra Mateko akati mwana anofanira kutaura oga kwaakasununguka kugara nekudaro nyaya iyi yaizofambira mberi nekutongwa.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×