O-LEVEL — MUSEVE USINGAPOTSE/HARIVHIKWI: Matambudziko aPondai

Munyaradzi  Gunduza
Matambudziko anowira Pondai (Tinoenderera mberi)
Pondai anosangana nedambudziko rekurumwa nechinyavada. Izvi zvinobuda paanenge ari parwendo rwake rwekuenda kwaMambo Mupambi kunotsvaga rubatsiro rwemauto. Tinomuona akarara pakati pesango asingakwanise

kufamba, arumwa nechinyavada pedyo nemukangato. Anopona nekuramba akarara kwechinguva kusvika ave kunzwa zviri nani.

Dambudziko repiri rinosangana naPondai nderekuneta. Zvinoonekwa paanosvika pamuzinda waMambo Mupambi ndokudonhera pamakumbo pavo vakagara navanyachide vavo pasi pehozi, achidikitira muviri wese. Anopona nekumbovharirwa kwaanoitwa naNyamaropa naNhemamusasa muimba yevasungwa achiwana kuzorora.

Pondai anosangana nedambudziko rekusungwa. Tinozviona Mambo Mupambi pavanenge vagere muberevere mehozi ndokushevedza machinda avo maviri, Nyamaropa naNhemamusasa kuti vaende kunovharira Pondai muimba yevasungwa. Anopona nekuzotaura chinangwa chaaive afambira chekuti aida rubatsiro rwemauto ekurwisa Mambo Chakaingesu ndokuzosunungurwa.

Rimwe dambudziko rinowira Pondai nderenyota. Rinojekeswa nekuridza kwaanoita mhere ari muimba yevasungwa achikumbira mvura ndokudirwa masvisvinwa edoro kumeso naNhemamusasa.

Tinoenderera mberi svondo rinouya.

(Zvinyorwa izvi zviri mubhuku rakanzi Ongororo yeNhetembo neMabhuku Shona O-Level)

SHOKO HARIVHIKWI

Mubvunzo nemhinduro yesvondo radarika

5. Sarudza nhetembo shanu dzakanyorwa naUshehwedu Kufakurinani dzine dingindira renyunyuto dziri munaShoko Harivhikwi.

Zvino chitsanangura zvinhu zvaanonyunyuta nezvazvo kubva mudetembo rega rega rawasarudza. [25]

Mubvunzo uri kuda nhetembo shanu dzaUshehwedu Kufakurinani dzenyunyuto asi uchiratidza zvinhu zvaanonyunyuta nezvazvo mudetembo rega rega.

Nhetembo dzingangosarudzwa; Fundo, Kufa kuri nani, Taikuti . . ., Shuramatongo ndiwe guhwa naTirimukawo sedzimwe pwere.

Mudetembo rinonzi Fundo, nyanduri ari kunyunyuta kuti dzidzo yaakawana haina kukwanisa kushandura upenyu hwake sepaanoti, “Ndanzvera mabhuku ane uwandu asi nazvino ndinongobvunza, “Kasi . . .? Asi . . .?” Nyanduri anonyunyuta nekuti akadzidza achifunga kuti achagara zvakanaka asi achiri kungotambura sepaanoti, “Ndaiti upenyu ndahuisa muforo wanike panjere yendaramo, ndiri dongo!”

Muna Kufa kuri nani, nyanduri anonyunyuta nekuti upenyu hwava kuda kumutorera zvaakambowana sepaanoti, “Upenyu hwave kuda kundirasisa chandakavhumbatira.” Nyanduri ari kunyunyuta nekuti upenyu hwava kumuisa mumatambudziko sepaanoti, “Upenyu hwoda kundidhadhura.”

Kubva munaTaikuti . . ., nyanduri anonyunyuta nehunhu hwemunhu asinganzwe kutukwa sepaanoti, “Kana nemazwi evanhu apera nekupopota.” Nyanduri ari kutsutsumwa nemunhu anoda vakadzi zvakanyanyisa sepaanoti, “Chiuno chako chakaregedzeka, wangopfuura waperekedza.”

Mune rimwe detembo rinonzi Shuramatongo ndiwe guhwa, nyanduri anonyunyuta maererano nemakuhwa ari kuputsa dzimba dzevanhu pasina muripo sepaanoti, “Guhwa waparadza misha usina kana chawapuwa.” Nyanduri ari kunyunyuta nekuti makuhwa apesanisa hama nehama sepaanoti, “Wasiya veukama dzava mhandu dzisionane.”

Detembo rekupedzisira rinonzi Tirimukawo sedzimwe pwere, nyanduri ari kutsutsumwa nekuramba achiriritira munhu mukuru anoita semwana mudiki sepaanoti, “Wave nemakore makumi matanhatu nemasere, asi ndichiri kukuchengeta sepwere.” Nyanduri anonyunyuta pamusoro pemwanakomana wake ane nguva refu asiri kuda kutsvaga basa sepaanoti, “Pava nemakore gumi, basa uchiramba kutsvaga.”

Tangai kuita mubvunzo unotevera:

6. Ushehwedu Kufakurinani anofarira kudetemba pamusoro pedingindira rerayiro. Tsigira pfungwa iyi nenhetembo dzake ina dziri muna Shoko Harivhikwi. [25]

Ndinokupai mhinduro yacho svondo rinouya.

(Zvinyorwa izvi zvinowanikwa mubhuku rinonzi Mhinduro Yeuvaranomwe Mabhuku neNhetembo: Shona O-Level Revised Edition)

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×