‘UNZAI NIGERIA, GHANA’…Muzongondi oti Zim ngaigadzirire kuenda Rio

Abel Ndooka
MUKURU wevatambi vechikwata chenhabvu chevanhukadzi chenyika (captain), cheMighty Warriors, shasha Felistas Muzongondi anoti anokurudzira vamwe vatambi kuti vasafunge zvakawanda pari zvino kunze kwegadziriro dzavo dzekuenda kunokwikwidza kumitambo ye2016 Summer Olympics kuRio de Janeiro, kuBrazil gore rinouya.

Mutambi ane mukurumbira uyu anoti Zimbabwe inofanirwa kuronga mitambo nezvikwata zvikuru zvakaita seGhana, Nigeria kana Japan segadziriro dzekuenda kuRio.

Muzongondi anoti vamwe vatambi vanofuririka nezvinhu zvisina basa saka zvakakosha kuti nhengo dzechikwata chavo dzifunge zvakasimba negadziriro dzemitambo iyi.

MaMighty Warriors akanyora nhorowondo yenyika ino mune zvenhabvu nguva pfupi yadarika apo vakabudirira kuenda kunokwikwidza kumaOlympics mushure mekuita mangange 2-2 neCameroon.

Mumutambo wekutanga wakatambira kuCameroon, maMighty Warriors akakundwa 2-1 asi ndokuzohwina 1-0 muno kuRufaro Stadium.
Muhurukuro neKwayedza svondo rino, Muzongondi anoti ino ndiyo nguva yekuti chikwata chavo chigare chakabatana mukuita gadziriro dzacho dzekuenda kumakwishu ekuBrazil.

“Ino inguva yekuti tisimbise gadziriro dzedu dzekuenda kuRio kwete zvekutsvaga zvinhu zvisina basa. Isu vanhukadzi tinofuririka nezvinhu zvisina basa uye miyedzo inouya yakawanda saka zvakakosha kuti tizvichengetedze tisabvume kunyengedzwa.

“Ndiri kuudza vamwe vatambi vemuchikwata chedu kuti ngatifunge zvenhabvu chete kusvika taenda kuRio nekuti kumutambo uyu kunofanirwa kunobatwa basa sebasa,” anodaro Muzongondi.

Apo maMighty Warriors ari kuita gadziriro dzekuenda kumaOlympics, Muzongondi anoti anoshuvira kuti chikwata chavo chitambe mitambo yakawanda yehushamwari nezvimwe zvikuru zvakaita seNigeria, Ghana, Japan kana Germany.

Anoti kutamba nezvikwata zvihombe izvi zvinobatsira maMighty Warriors zvakanyanya kusimbisa nhabvu yavo kuti isimukire.
“Tiri kuda chaizvo kuti titambe mitambo yakawanda yehushamwari nezvikwata zvihombe zvakaita seNigeria, Ghana zvemuno muAfrica uye kana zvikafamba zvakanaka totambawo kana neGermany neJapan.

“Kutamba nezvikwata zvikuru izvi kunotibatsira zvakanyanya nekuti toga tinokwanisa kuzviongorora kuti tiri kutamba nhabvu yepamusoro here,” anodaro Muzongondi.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×