Mapepanhau matsva eZimpapers

Muzvare Tonhodzayi
Muzvare Tonhodzayi

ZIMPAPERS Group, kambani huru yadzo dzose mune zvenhau muZimbabwe, yave nemamwe mapepanhau matsva maviri anodaidzwa nekuti Suburban ayo ari kupihwa pachena kudzimwe nzvimbo dzemuHarare.

Mapepanhau aya anoburitsa zvinotika kuAvondale neBorrowdale pamwe nenzvimbo dzakapoteredza.

Mupepeti wawo ndiItayi Musengeyi, uyo akambove mupepeti weThe Chronicle neThe Southern Times.

Musengeyi anoti mapepanhau aya ane chinangwa chekuzivisa vagari vemunzvimbo idzi zvakasiyana zviri kuitika munharunda dzavo zvakaita semuzvikoro, kumachechi, nyaya dzebudiriro, mitambo pamwe nezvinotika munharaunda dzeko.

Anoti bepanhau rekuAvondale rinobata nzvimbo dzinoti Mt Pleasant, Mabelreign, Marlborough, Westgate, Ridgeview, Milton Park, Strathaven neBluff Hill apowo rekuBorrowdale richiburitsa nhau dzekuHighlands, Greendale neChisipite.

Anoona nezvekudyidzana kweZimpapers neveruzhinji (Public Relations and Corporate Affairs Manager), Muzvare Beatrice Tonhodzayi, anoti mukutanga mapepanhau aya kambani iyi iri kufambirana nenguva sezvo zviri izvo zviri kuitwa kune dzimwe nyika dzakabudirira.

Anoti chinangwa ndechekuvandudza nzira dzekuti veruzhinji vakwanise kuziva zvinenge zvichiitika munharaunda dzavanogara.

Tonhodzayi anokurudzira vemabhizimisi nevamwe kuti vatore mukana uyu kushambadza mabhizimisi avo mumapepanhau aya.

“Chinhu chiri nyore chekuti kana uine bhizimisi raunoita rakanangana nevagari vekuBorrowdale nedzimwe nzvimbo dzakapoteredza, isu seZimpapers takupai bepanhau rekuti munge muchizvishambadza kuvagari vemunzvimbo idzi. Sezvo mapepanhau aya achipihwa pachena, zvinoreva kuti anosvika kuvanhu vakawanda,” anodaro Tonhodzayi.

Anoti kubvira pakatangwa mapepanhu aya, ari kugamuchirwa zvikuru nevagari vemunzvimbo idzi.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *