Langalihle Mhiti
CHIKWATA chenziyo nemitambo yechinyakare cheJeketera ReNyaningwe Traditional Dance Group parizvino chiri kuIndia senzira yekusimbaradza ukama uye kudyidzana kwetsika nemagariro pakati peZimbabwe nenyika iyi.
Chikwata ichi chiri kumiririra Zimbabwe kuburikidza nenziyo dzechinyakare, chichitaridza kupfuma kwadzo mune zvetsika nemagariro; panguva imwe cheteyo pachive nekusimudzirwa kwekudyidzana pakati peZimbabwe neIndia.
Vachitaura kuvatambi ava vasati vasimuka svondo rapera, mumiririri weIndia muZimbabwe, Ambassador Bramha Kumar, vakasimbisisa kukosha kwerwendo urwu.
Vanoti chikwata ichi hachisi kungoshanya sevatambi asi sevamiririri vetsika nemagariro enyika yose.
“SeJeketera Dance Group, muri kuenda kuIndia kunomiririra Zimbabwe yose,” vanodaro Ambassador Kumar.
“Ndinokuvimbisai kuti muchagashirwa zvakanaka, uye muchabatwa zvine rudo sezvamuri kutiita munyika menyu.”
Vanoti kushanya kwechikwata ichi kuchabatsira mukudyidzana munyaya dzetsika nemagariro pakati penyika mbiri idzi.
“Kuenda kwenyu kuIndia kunosimbaradza zvakare ukama pakati peZimbabwe neIndia,” vanodaro.
Gurukota rebazi rezvemitambo, kutandara, tsika nemagariro, Retired Lieutenant-General Anselem Sanyatwe, vakakurudzira chikwata ichi kuti chikoshese unhu hunoyemurika hwemuZimbabwe pachinenge chichiita mitambo yacho kunze kwenyika.
“Apo muri kuenda kuIndia, zivai kuti makatakura isu tose, mureza weZimbabwe, tsika dzedu neunhu hwedu,” vanodaro.
“Ticharamba tichikutsigirai uye tinokushuvirai zvakanaka. Endai munodadisa nekutaridza tsika nemagariro edu.”
“Pane zvose, senyika yose, tinokushuvirai rwendo rwakanaka kuenda nekudzoka kuIndia.”
Mutungamiri weJeketera Dance Group, Prince Mutsauki, anoti nhengo dzechikwata ichi dzinonzwa manyukunyuku uye zviroto zvadzo zvazadzikiswa nekuwana mukana uyu wekuenda kuIndia.
“Tinonzwa chidokwadokwa kuenda kuIndia kunotaridza tsika nemagariro edu, kuenda kunomiririra Zimbabwe yose,” anodaro.
Prince anoti kucherechedzwa kwavo chiratidzo chekukosheswa kwenyaya dzekusimudzira tsika nemagariro pasi rose.
“Tinonzwa kufara zvakanyanya sechikwata kuziva kuti tsika nemagariro edu zvichiri kucherechedzwa kusvika pachidanho chekuenda mhiri kwemakungwa kunogoverana nevamwe tsika dzemuZimbabwe,” anodaro.
Imwe nhengo yechikwata ichi, Barbra Mutsauki, yakatsanangura pamusoro pekukosha kwenziyo nemitambo yechinyakare, ichiti zvinoita kuti pave nehochekoche pakati pevanhu nezvaiitwa nemadzitateguru pasichigare.
“Mitambo yechinyakare yakakosha zvakanyanya mutsika nemagariro edu,” anodaro.
“Mitambo iyi inotaridza mararamiro aiitwa nemadzitateguru kare. Somuenzaniso, bira mutambo waiitwa senzira yekukumbira kuti mvura inaye.”
Mutsauki anoti kune vamwe vanhu vari kuwana raramo zvakare kuburikidza nemitambo yakadai.
“Nemitambo yechinyakare, tinofara zvakanyanya nokuti nepashoma patiri kuwana tiri kukwanisa kuraramisa mhuri dzedu,” anodaro.
“Iye zvino tave kukokwa kuzvirongwa zvakasiyana-siyana, paungano dzevanenge vapedza zvidzidzo, pamichato kunyangwe pazviitiko zvemhuri. Parizvino, sechikwata chemitambo yechinyakare, tiri kuenda kuIndia.”
Chiitiko ichi chinotaridza kubudirira kukuru kweJeketera Dance Group uye kucherechedzwa kuri kuitwa tsika nemagariro zvemuZimbabwe pasi rose.



