Jekiseni reCovid harina njodzi: MCAZ

Emmanuel Kafe

MISHONGA mina yekudzivirira chirwere cheCovid-19 (vaccines) — iyo yakabvumidzwa kuti ishandiswe munyika muno nedare reCabinet — haina njodzi kuvanhu zvichitevera ongororo dzakasimba idzo dzakaitwa nenyazvi dzezveutano apo yakange isati yatanga kushandiswa.

Hurumende, kuburikidza nechikamu cheMedicines Control Authority of Zimbabwe (MCAZ), yakapa mvumo yechimbi-chimbi yekushandiswa kwemishonga inoti Sinovac wekuChina, Covaxin wekuIndia neSputnik V wekuRussia pasi pechirongwa chepiri chekubaiwa kwevanhu majekiseni ekudzivirira denda iri chisati chatanga.

Mushonga weSinopharm vaccine — uyo wakabva kuChina zvakare — uri kushandiswa zvichitevera kuparurwa kwechirongwa chekutanga chekubaiwa kwevanhu majekiseni ekudzivirira Covid-19 nguva pfupi yadarika.

VaShingai Gwatidzo, avo vanoona nezvekufambiswa kwemabasa uye vari zvakare mukushi wemashoko kuMCAZ, vanoti mishonga yekudzivirira chirwere cheCovid-19 yakaongororwa zvakasimba sezvinotarisirwa pasi pemitemo yeEmergency Use Authorisation Assessment (EUA).

“Mishonga mina iyi (Sinopharm, Sinovac, Sputnik V neCovaxin) yakaongororwa neMCAZ kuburikidza nemitemo yeEmergency Use Authorisation Assessment mushure mekunge makambani anogadzira mishonga iyi azadzikisa zvinodiwa pasi pemitemo yeEUA, achiratidza kuti inobatsira zvikuru mukurwisa Covid-19,” vanodaro VaGwatidzo.

Vanoti zvinhu zvinotenderwa kuti mishonga ichiri kuongororwa (phase three clinical trials) ifanoshandiswa apo ongororo pamusoro payo dzinenge dzichienderera mberi.

Mitatu yemishonga yakatenderwa kuti ishandiswe muZimbabwe — Sinopharm, Covaxin neSinovac — ichiri kuongororwa pasi pechikamu chephase three clinical trials.

Ongororo yakaitwa pamusoro pemushonga weSputnik V pakutanga kwemwedzi waKurume, inoratidza kuti unobatsira nechikamu che91.6 percent kudzivirira Covid-19 uye hauna njodzi kuvanhu vanoushandisa.

“Maringe nemishonga yekudzivirira Covid-19, ongororo dzephase three clinical trials dzinoitwa nechinangwa chekuda kuona kushanda kunoita mushonga mukudzivirira Covid-19,” vanodaro .

VaGwatidzo vanoti MCAZ iri kushanda pamwe chete nebazi rezveutano nekurerwa kwevana kuita ongororo dzekuona kuti hapana njodzi here iri kuwira vanhu vari kubaiwa majekiseni ekudzivirira denda iri.

Chirongwa chekubaiwa kwevanhu mushonga uyu munyika muno chakaparurwa nguva pfupi yadarika pachishandiswa majekiseni 200 000 eSinopharm vaccines.

Vashandi vari pamberi munyaya dzekurwisa kupararira kweCovid-19 ndivo vari kubaiwa majekiseni pasi pechirongwa chekutanga, apo vamwe vari panjodzi yezvirwere zvinosanganisira gomarara, TB neshuga vachabaiwa muchirongwa chepiri.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×