Vanasikana vobatsirwa

Abel Ndooka

SANGANO reVaChirenda Centre of Hope riri kubatsira mukusimudzira dzidzo yevanasikana panguva ino nyika iri kurwisa chirwere cheCovid-19 kuburikidza nekuvapa mabhuku ekunyorera nemidziyo yekushandisa panguva yavo yekutevera pachena.

Mutungamiriri wesangano iri, Mai Xoey Chimombe, vanoti chishuwo chavo chiri pakutsigira vanhukadzi mune zvakawanda.

Vachitaura svondo rapera pakuparurwa kwenzvimbo inoda kuzovakwa muzinda wekuchengetera vanasikana uye kudzidzisa madzimai mabasa ekuzviriritira kwaSeke, Mai Chimombe vanoti zvakakosha kusimudzira vanhukadzi sezvo vari ivo musimboti wemhuri.

“Vanhukadzi takakosha chaizvo uye tisu tinoita kuti misha imire zvakanaka. Saka isu seVaChirenda Centre of Hope tinoda kuona vanhukadzi vachisimukira.

“Tiri kushanda nesimba kuti vanasikana nemi madzimai muwane mikana yekuitawo mabasa muchizviraramira muupenyu hwenyu.

“Isu tichange tichishanda nevasikana kutanga nevari kuenda kuchikoro, tinoda kuona vachibudirira muzvidzidzo zvavo kozoti vakura avo vamwe vanogona kunge vakaitiswa vana ndokusiiwa. Tinoda vazive kuti havafanirwe kurasa tariro muupenyu hwavo uye zvinhu zvinonaka chete kana vakashanda nesimba. Tiripo pakushanda navo tichivasimudzira,” vanodaro Mai Chimombe.

Pachiitiko ichi, vanasikana vane chitsama vanoenda kuchikoro vakawaniswa mabhuku ekunyorera nemasanitary pads.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×