Kingstone Mapupu
MUDZIMAI anogara mumusha weShenton Park uri kuMt Hampden anoti svondo rapera akarutsa zidatya benyu mushure mekurwara kwemakore maviri apo airinzwa richichema riri mudumbu make.
Zidafi iri vakazoriuraya nekuridira munyu wemagodo (sauti) wakawanda sezvavainge vakurudzirwa kuita.
Mai Angeline Boloma Muzemba (36) — avo kumusha vanobva kwaMambo Chiswiti, kuMt Darwin, vanoti vaigara vachirwadziwa nekutonzwa datya rairira mudumbu mavo kusvikira svondo rakapera apo vakatanga vachisvotwa, ndokuzorutsa zidafi rakangoda kukura sedzetse iri pakati pehusiku.
“Dambudziko iri rakatanga tiri kumusha nemurume wangu, ndichirwadziwa nemudumbu zvakanyanyisa apo ndainzwa kurira kwedafi kana kuti chura mudumbu. Dzimwe nguva ndainzwa mudumbu muchifamba-famba chinhu sendine pamuviri chichikwidza nekudzika uye chichimbondivhara pahuro zvekutadza kufema.
“Ndipo pandakazotanga kurutsa, datya richibva rasvakuka mukanwa rikatanga kutamba-tamba mukati memarutsi,” vanodaro Mai Muzemba.
Mudzimai uyu anoti nguva nenguva aigara achingonzi ari kupera ropa mumuviri izvo zvainzi ndizvo zvinomuwonza.
“Ndarutsa datya iri, takarara takarichengeta apo takazoshevedza vamwe amai vanonamatira vaindibatsirawo mudambudziko iri. Vakauya vakadira datya iri sauti nemvura richibva rafa ipapo risina kurohwa,” vanodaro Mai Muzemba.
Vanoti mukufamba kwavakaita kune vanoita nezvemweya, vakanzi ichi chikwambo chavakarutsa icho chaivadya nyama nekuvayamwa ropa uye chinonzi chakaiswa neimwe hama.
“Pandakazorutsa datya iri, ndainzwa semunhu aida kusununguka mwana kunyangwe zvangu ndisina pamuviri. Zvino dambudziko riripo nderekuti kunyangwe zvangu ndichibatsirwa nevemweya, ndinodawo mari yekuti ndiende kuchipatara kuti ndinowedzerwa ropa nekutariswawo nyama dzangu nemachiremba.”
Mai Muzemba vanoti dzimwe nguva vaitonzwa datya iri richirira sezvaanoita kana ari mumvura, pashure vozonzwa mudumbu mavo mave kufamba-famba chinhu.
Murume wavo, VaCosmas Muzemba (44), vanoti mudzimai wavo aigara achirwadziwa zvikuru nemudumbu kwemakore anodarika maviri kusvikira azorutsa dafi iri.
“Vakazotanga kurwadziwa nemudumbu vachizvonyongoka vachiti pane chinhu chaivafamba mudumbu mavo. Ndipo pavakarutsa zvose zvavainge vadya.
“Datya iri vakarirutsa pekupedzisira, iro raitotamba-tamba mukati memarutsi. Takariisa muchigaba kusvikira kunze kwayedza apo takazoshevedza vamwe amai vanonamatira avo vakaridira sauti nemvura richibva rafa,” vanodaro VaMuzemba.
Murume uyu anoti dambudziko remudzimai wake rakatanga vari kumusha kwavo kwaSabhuku Mukwaira, kuMt Darwin.
“Ndave kutyira mukadzi wangu nekuda kwemashiripiti akadai aya, zvinhu zvakadai zvinogona kuuraya munhu. Fungai kuti munhu akatanga kurutsa na10 dzehusiku, datya iri rikazobuda kuma1 mambakwedza kureva kuti vakaita maawa mana vachirutsa,” vanodaro.
VaMuzemba vanoti datya iri rakazopiswa neparafini nemapepa, dota racho rikanorasirwa musango.
Madzimai Veronica Ruuke (48), avo vanogara munzvimbo iyi, vanotsinhira kuti ndivo vakazomwaya datya iri munyu rikabva rafa.
“Ndakashevedzwa mangwanani ndichinzi amai ava varutsa datya benyu, ini ndikasvika ndokuriburitsa mugaba ndichibva ndarimwaya sauti nemvura richibva rafa. Ndinoti uhwu hushereketwa,” vanodaro Madzimai Ruukwe.
Votaura pamusoro pemashura aya, Mbuya Sarudzai Jaravaza (53) vekuMbare, muguta reHarare, vanoti mudzimai uyu ainge akaiswa chikwambo icho chaimuyamwa ropa.
“Mudzimai uyu akashereketerwa ndokuiswa chikwambo — hazvina mhosva kuti amai ava vakarutsa datya iri asi vanoda kudyiswa mishonga yechivanhu yekubvisa hunye mudumbu mavo,” vanodaro Mbuya Jaravaza.




