Johnson akabhadhariswa bhero

MUTAMBI weSunderland, Adam Johnson, akabhadhariswa mari yebhero nemapurisa ekuDurham zvichitevera kusungwa kwaakaitwa pamusoro penyaya yaari kupomerwa yekurara nemusikana ari pasi pemakore 16 okuberekwa. Mumwe mupurisa akaudza vatori venhau kuPeterlee kuti Johnson akabhadhara bhero uye akange asisiri muchizarira.

Sunderland pari zvino yakambomisa Johnson kutamba nhabvu sezvo nyaya iyi iri kumboongororwa.
Chinyorwa chakatumirwa kubva kuchikwata ichi chaiti, “Sunderland AFC inozivisa kuti Adam Johnson ambomiswa kutambira chikwata ichi, ichimirira kunzwa zviri kuongororwa nemapurisa. Hapana mamwe mashoko atichataura panguva ino”.

Zvinoreva izvo kuti Sunderland ichange isina Johnson mumitambo yayo yesvondo rino muPremier League.
Zvakadaro, bepanhau reThe Sun rinoti, Johnson, uyo anove chizvarwa chekuEngland uye ane musikana wake akasununguka muna Ndira, akasungwa ari kumba kwake musi weMuvhuro mangwanani.

Motokari nhatu dzisina kunyorwa, kombi yemapurisa nemapurisa asina kupfeka yunifomu vakange vari kumba kwemutambi uyu.
Muvakidzani wake akaudza The Sun kuti: “Zvese zvakaitika kubva na9.15 am kusvika 9.35 am. Motokari nhatu neyemapurisa dzakasvika pamba pake.

“Sekuziva kwangu anogara pamba apa nemusikana wake”.
Johnson, 27, uyo akanwisa mumutambo weTyne-Wear Derby pavakasangana neNewcastle kuSt James Park, akatengwa neSunderland achibva kuManchester City nemari inosvika 10 miriyoni paunzi muna Nyamavhuvhu 2012.

Akatanga kutambira nyika yake yeEngland mugore ra2010 uye akwanisa kuitambira ka12 achinwisa kaviri. – Sky Sports News

Related Posts

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×