‘Varimi ngavarime zvirimwa zvakasiyana’

Kingstone Mapupu
VARIMI vakakurudzirwa kuti vavandudze mabasa avo kuburikidza nekurima zvirimwa zvakasiyana izvo zvinovapa pundutso pane kumirira chirimwa chimwe chete. Kurudziro iyi yakaitwa nguva pfupi yadarika nemurimisi mukuru mudunhu reMashonaland Central, VaIzah Jaidhi, avovanove Provincial Agronomist, vachiti varimi vanofanira kutora kurima sebhizimusi.

“Munzvimbo dziri mudunhu redu dzakaita seGuruve, Mvurwi, Mazowe, Centenary, Concession, Muzarabani neBindura varimi vedu vavhurika pfungwa vave kurima zvimwe zvirimwa zvavaisarima kare izvo zvinovapa mari zhinji,” vakadaro VaJaidi.

“Tine varimi vabudirira zvikuru munyaya dzekurima bhinzi, mifarinya, mhunga, mapfunde, mbatatisi nefodya uye isu sevarimisi tinoti ibudiriro huru nekuti zvinobatsira.”

Vanoti madiridziro ari kubatsira zvakare mukusimudzira mabasa ekurima ayo anosanganisira ekuTsakare kuMt Darwin, Tsunda kuShamva, Chindotwe kuMt Darwin nemimwe minda mikuru yeMazowe Irrigation Scheme iyo yakatandavara mahekita 293.

Vamwe varimi vakakwanisa kutaurwa navo neKwayedza kuDotito avo vari kurima fodya imhuri yekwaMusa Jume yemumusha maSabhuku Mbereko kwaBveke.

Mai Vaidah Jume vanoti ivo nemhuri yavo vakarima mahekita matatu efodya iyo vanotarisira kuti ichavapa mari yakawanda zvikuru.
“Tinorima zvakawanda kusanganisa donje, bhinzi, chibage, mbambaira, nzungu uyewo takatangawo kurima fodya iyo tinoona kuti iri kupa mari yakawanda kudarika zvimwe zvirimwa,” vakadaro Mai Jume.

Related Posts

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Zvikwata zvogadzirira kubandana muMunhumutapa ZIFA Challenge Cup

Abel Ndooka SARUDZO yokuti chikwati chakati chichatamba nechocho mumutambo weMunhumutapa ZIFA Challenge Cup Round of 32 yakaitwa nomusi weChitatu chino, izvo zvichaona matimu akasiyana-siyana emumadivision epasi achibandana neemuCastle Premier Soccer…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×