‘Jackson ane tarenda guru’

RICARDO Quaresma anofunga kuti shamwari yake kuPorto, Jackson Martinez, ane tarenda guru zvekuti anogona kutambira Manchester United pamwe neArsenal. Mutambi uyu, uyo akambotambira Chelsea nechikwereti, akatsanangudza Martinez – chizvarwa chekuColombia – semumwe mutambi wepamusoro pasi rose.

Martinez, uyo akwanisa kunwisa ka63 mumitambo 82 kuchikwata chekuPortugal ichi, akabuda pachena kuti anoda kubva pachapera ligi ukuwo United nemaGunners vari kuongorora nyaya iyi.

Achitaura neSportmail apo Porto yakakunda Sporting Lisbon 3-0, Quaresma akati mutambi uyu anosimbisa chero chikwata.
“Ari padanho repamusoro pavatambi vose,” akadaro Quaresma uyo akambotambira Barcelona.

“Jackson ane tarenda rakasimba zvekuti anogona kutambira zvikwata zvakawanda zviri kumaligi akasiyana. Ndiye ega iye mbune anoziva zvaanoda mune ramangwana rake, asi anokodzera kunge ane zvikwata zvizhinji zviri kumutevera”.

Martinez haana kunwisa svondo radarika asi akabatsira Cristian Tello kuti anwise gobhora rekutanga. Quaresma akawedzera kuti haana kushamiswa nezvakaitwa naMartinez panguva iyi.

“Kwatiri isu tinogara tichitamba naye, hazvisi zvitsva kwatiri,” akadaro. “Jackson inyanzvi. Hatishamiswe kana nezvaanoita. Tinogarodzidzira naye mazuva ose uye tinoziva nezvetarenda rake nematambiro ake. Chiremerera kutamba nemutambi uyu”.

Porto ine mukana wekupinda muzvikwata zvisere zvekupedzisira muChampions League zvichitevera mangange 1-1 ayakaita neFC Basel.
Uye Quaresma anofunga kuti vanogona kutamba zvepamusoro zvikavabatsira kuhwina mukombe uyo wavakahwina mugore ra2004.

“Mukana mukuru kwatiri kuti tirambe tiri mumutambo uyu uye nekufambira mberi,” akadaro.
“Tiri munhandare yedu takasimba zvikuru. Tine vatsigiri vedu vachimhanya nesu, tine zvese zvatingafunge zvingatibatsire kufambira mberi mumutambo uyu.” – MailOnline

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×