Kadewere akarangarirwa

CHIKWATA chenhabvu cheAjax Mbare ndicho chakahwina mutambo we2015 Harare Province Junior Football Under 13 League O.Kadewere Trophy uyo wakatambirwa muHarare nguva pfupi yakadarika.

Ajax Mbare yakakunda Budiriro Gunners 1-0 ndokusimudza mukombe uyo wairwirwa nezvikwata 23 zvemudunhu iri. Mutambo uyu waive wekurangarira mushakabvu Onias Kadewere uyo aive sachigaro weHarare Junior Football League.

Kadewere akashayika muna Ndira gore rino uye akashanda zvikuru mukusimudzira nhabvu yevechidiki.

Fixtures Secretary weHarare Province Junior Football League, Edwin Manyeruke, akarumbidza basa rakabatwa naKadewere mukusimudzira nhabvu yevechidiki ndokuti mutambo uyu uchagara uchitambwa gore rega-rega.

“Kadewere raive gamba munhabvu yevechidiki, aive nerudo saka isu takaona zvakakodzera kuti timurangarire.

“Mutambo weO.Kadewere Trophy uchagara uchitambwa gore rega-rega uye uchabatsira kuvaka tarenda revatambi vechidiki vakawanda,” akadaro Manyeruke.

Zvakadaro, Manyeruke anoti vari mushishi kuronga mimwe mitambo yevatambi emapoka emakore anoti Under 17 ne15 iyo ichaitwa muna Gunyana naGumiguru.

“Tine mapoka eUnder 13, 15 ne17 ayo ose anotamba gore rega-rega. MaUnder 13 akatotamba akadarika apa saka tave kutarisana nemitambo yeUnder 17 iriko muna Gunyana. MaUnder 15 ndiyo achapedzisira muna Gumiguru.

“Zvakakosha kuita mapoka matatu aya nekuti mutambi wose anotamba muboka rake chairo uye zvinotibatsira kurwisa nyaya yekubiridzira makore iyo yanetsa munhabvu zvikuru,” akadaro Manyeruke.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *