Eddie Chikamhi
MUSHURE mekurwa zvakasimba nechinangwa chokuti Dynamos isaburitswe muCastle Premier Soccer League (PSL), murairidzi wechikwata ichi Kelvin Kaindu, uyo anove chizvarwa chekuZambia, haasi kuzorora sezvo ane rimwe basa guru rakamumirira.
DeMbare ichange ichirwira kuti irambe iine mukombe weChibuku Super Cup, apo ichatamba neTriangle kuGibbo Stadium nomusi weMugovera uno.
Mutambo uyu uri kuuya mukupera kwemwaka wainge wakaomarara kwazvo kuDynamos, apo yaitambira kuti isaburitswe muligi.
Yakatozopona nepaburi retsono musi wokupedzisira payakaita mangange neFC Platinum kuRufaro Stadium nomusi weSvondo wadarika.
Chikwata ichi chikakwanisa kuhwinha zvakare Chibuku Super Cup inenge iri nzira yakanaka yekuzvinyaradza zvichitevera tsekwende yachakasangana nayo muna 2025, sokutaura kwaKaindu.
“Ndinofunga kuti zvinenge zvakanaka kwatiri. Takataura kuti takamirira kutaridza mufaro wedu nomusi weMugovera,” anodaro Kaindu.

“Triangle chikwata chakaoma, chisinganzwisisiki uye ndinovimba chimwe chezvikwata zvakapona kuti zvisaburitswe. Nokudaro, zvichange zvichinakidza kuona zvikwata zviviri zvakapona kuti zvisaburitswe zvichirwira mukombe.”
Dynamos yakahwinha Chibuku Super Cup kakatevedzana, muna 2023 nemuna 2024. DeMbare yakatarisana nekunyora nhoroondo, apo FC Platinum neHarare City zviri izvo zvikwata zvoga zvakakwanisa kuhwinha mukombe uyu kaviri. Mukombe uyu unouya netikiti rekunomirira Zimbabwe kumutambo weCAF Confederation Cup uye Kaindu ari kunzwa manyukunyuku ekuzoenda kumakwishu aya.
“Shoko rimwe chete randakataurira chikwata nderokuti vakahwinha vachatamba muCAF Confederation Cup.
“Unongotamba mitambo mishanu chete (muChibuku Super Cup), wobva wawana mukana wokuenda kunotamba kuConfed Cup.
“Izvi zvakasiyana nemakwikwi emuligi apo unofanirwa kutamba mitambo 34. Saka, pane zvakawanda zvatinokwanisa kuwana. Tine zvakawanda zvatinorasikirwa nazvo kudarika Triangle,” anodaro Kaindu.
DeMbare yakamirira nyika gore rapera kumutambo weCAF Confederation Cup asi haina kuenda mumwaka wa2024-2025 nokuda kwekushaya mari. Kaindu akaita kuti mamiriro ezvinhu adzikame zvichitevera kugadzwa kwaakaitwa semurairidzi weDynamos panguva iyo chikwata ichi chakange chakatarisana nematambudziko makukutu.
Kaindu akasvika kuDeMbare, achibva KuHighlanders, panguva iyo chikwata ichi chakange chisisina tariro zvichitevera kurairidzwa kwachakamboitwa naLloyd Chigowe pamwe chete naSaul Chaminuka mumitambo 23 yokutanga. Akapihwa basa rokuti anunure chikwata ichi panguva iyo kuita zvakadai wakange uri mutoro mukuru.
DeMbare yakatanga kurwa semvumba, ndokutamba mitambo mitanhatu isina kukundwa uye kuita mangange mimwe mishanu, izvo zvakabatsira kuti isaburitswe muPSL. Pamusoro pezvo, chikwata ichi chakatambawo kusvika mufainari yeChibuku Super Cup.
Kaindu anotenda kuti vatambi vakabatsira zvakanyanya kuti Dynamos isaburitswe muligi.
“Ndinofunga rumbidzo inofanirwa kuenda kuchikwata. Takashandisa vatambi vamwe chete. Dzimwe nguva chakaita kuti zvitifambire udzamu,” anodaro Kaindu. “Kunyangwe patakatamba neFC Platinum, makaona kuti takanonoka kutsiva vatambi, asi FC Platinum yakakwanisa kutsiva kunyangwe shasha yavo.
“Izvi zvinotaridza kuti tine udzamu. Asi munhu wose akashanda nesimba. Takaona kunyangwe panguva yataiita gadziriro kuti vatambi vaive vakazvipira nezvose zvaiitwa nemumwe nemumwe wavo.”
Kaindu ane chivimbo chokuti kushanda nesimba nekutenda ndiko kwaita kuti DeMbare ive pairi nhasi uno uye kuchavatungamirira kuti vatore Chibuku Super Cup zvakare.
“Shoko rimwe chete randinovaudza nderokuti Mwari havangatibvisi kure kwose uku, vozotifuratira pazuva rokupedzisira. Pakutanga, chinangwa chaive chokuti tisaburitswe, uye takati zviri nane kuti tipone nokuda kwezvakanaka chete zviripo, zvinove Chibuku Super Cup.
“Takati hatisi kuzopembera kuti hatina kuburitswa. Dynamos chikwata chihombe, chisingafanirwi kupemberera kuti hachina kuburitswa; ndicho chikonzero musina kuona aipemberera.
“Asi tichamirira fainari; hazvisi kuzove nyore. Vane murairidzi (Genesis Mangombe) aimbove kuDynamos.
“Zvinenge zvakavanakira nokuti vari kutambira pamusha. Izvi zvinogona kuita kuti zvisave nyore kwatiri. Asi tinoda kutarisana nechinangwa chedu uye tinotenda kuti zvinhu zvicharamba zvichiendeka.
“Tikaramba takatarisa pane zvatange tichiita, hatisati takundwa, hapana chinoramba,” anodaro Kaindu.
Triangle yakahwinha Chibuku Super Cup kamwe chete muna 2018. Murairidzi wechikwata ichi, Mangombe, akahwinha mukombe uyu kamwe chete neDeMbare apo yakausimudza kekutanga muna 2023



