Kakomana kanetsa ne’motor-cross’

Abel Ndooka

SHASHA yechidiki yemujaho wemotor-cross Emmanuel Bako (13) inoti inoshuvira zvikuru kuti rimwe remazuva izopihwa chiremerera chekuve shangwiti munyika muno mune zvemitambo.

Emmanuel, uyo anove nyanzvi inozivikanwa mumutambo uyu achihwina mibairo yakasiyana muZimbabwe nekunyika dzekunze dzinosanganisira South Africa, anoti akamirira kudzoka kwemutambo uyu zvichitevera kumiswa kwawakaitwa nechinangwa chekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Anoti gore rino range richirakidza kuve rake sezvo aitarisira kuhwina mijaho yakawanda asi zvose zvakaenda mudondo nekuda kwechirwere ichi.

“Gore rino zvange zvakaoma kugara tisingakwikwidze, ini ndihwo hupenyu hwangu asi ndave nemufaro mukuru kuti mutambo uyu wave kudzoka sezvo tine tarisiro yekuti tichatanga kukwikwidza zvekare munguva iri                                            kutevera.

“Ndinotenda Hurumende yedu nekuti yakatipa mvumo yekuita gadziriro saka ndiri kuita gadziriro pakupera kwevhiki rega-rega musi weMugovera neSvondo kuDonnybrook Raceway.

“Zvatakanzwa kuti mutambo uyu wave kudzoka iye zvino tave kutosimbaradza gadziriro dzacho nekuti ndinoda kuramba ndichisimukira,” anodaro Emmanuel.

Emmanuel akatanga kukwikwidza mumujaho wemotor cross aine makore mana ekuberekwa  achirairidzwa naStanley Mugiyo uyo nanhasi anove murairidzi wake.

Anoti motor-cross ndiwo hupenyu hwake uye acharamba achishanda nesimba sezvo anoda kunokwikwidza kuEurope, Asia nekuAmerica.

“Shuviro yangu kuti rimwe remazuva ndizopihwawo chiremerera munyika yangu chekuve gamba mune zvemitambo saka ndinoramba ndichishanda nesimba,” anodaro.

Baba vake, Brighton Bako avo vanove mutsigiri wake mukuru, vanoti zvakakosha kuti vabereki vatsigire zvipo zvevana vavo.

“Sevabereki, ibasa redu kuti titsigire vana vedu pane zvose zvavanoda kuita muhupenyu hwavo.

Mitambo yakasiyana yava nemari zhinji saka ukaona kuti mwana wako ane chipo chemitambo yakasiyana mutsigire nekuti hauzive kuti mangwana zvinofamba sei,” anodaro Brighton.

Gore rino, Emmanuel akakwikwidza kuSouth Africa akahwina mujaho we85CC (big wheel) Inland Championship.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×