Zvekuita muCovid: Kwinji 15

Abel Ndooka

MURAIRIDZI wemaMighty Warriors, Sithethelelwe “Kwinji 15” Sibanda, anoti ari kugara achikurudzira vatambi vechikwata chake kuti vasavarairwe vari kudzimba dzavo asi kuti vaite gadziriro nguva dzose kuitira panodzoka mutambo uyu.

Achitaura ari kuBulawayo uko kwaanogara, Sibanda anoti ino inguva yekuti vanhu vatevedzere zvose zvakatarwa mukurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

“Tichiri takangotarisira tichida kuona kuti zviri kuendepi asi chikuru ndechekuti tinofanira kugara takachengetedzeka nguva dzose kuitira kuti panodzoka nhabvu tinge takagadzirira.

“Hapana ane ruzivo rwekuti nhabvu inodzoka rinhi saka vatambi vangu ndiri kugara ndichikurukura navo nguva nenguva nekuti kutaura kuno hazvisati zvazivikanwa kuti nhabvu inodzoka rinhi, ngavasazviregerera asi vagare vachiita gadziriro dzavo uye vachichengetedza miviri yavo,” anodaro.

Sibanda anoti asuwa mutambo uyu zvikuru asi pari zvino hapana zvaangaite kunze kwekutevedzera mitemo yakadzikwa senzira yekumisa kupararia kweCovid-19.

Anoti shoko iri ari kuri paridzira zvekare kuvatambi vake kuti vasangofambe-fambe zvisina chikonzero uye kuti vazvichengetedze.

“Nhabvu ndaisuwa zvikuru, ndiyo inotiraramisa saka kugara nguva ndefu tisina mutambo uyu zvinorema.

Asi, chikuru kuti titange takunda denda ratinaro iri reCovid-19,” anodaro Sibanda.

Zvakadai, pane hurukuro dziri kuitwa nesangano rinoona nezvenhabvu munyika muno reZimbabwe Football Association (Zifa) dzekuti nhabvu ingadzoswe sei.

Nguva pfupi yadarika, mutungamiri wesangano iri Felton Kamambo akati vane tarisiro yekudzosa mutambo uyu asi uchizotambwa pasina vatsigiri.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×