Kamba ine chuma nejira reretso

KAMBAVAGARI vekuZengeza 4, kuChitungwiza vakasara vasina remuromo zvichitevera kuonekwa kwekamba yainge yakamonerwa chuma nemachira eretso ayo anowanzoshandiswa pane zvemashavi nemidzimu.
Kamba iyi yakaonekwa iri pedyo neimwe imba apo yaiva mumugwagwa uye hapana akakwanisa kuziva kuti yakange yabvepi.

Fibion Muzuva (27), mumwe wevakaona mashura aya, anoti haazive kuti kamba iyi yakabva nekupi kunyangwe zvazvo aine fungidziro yekuti zvine chekuita nemishonga yekushereketa.

Mumwezve akaona kamba iyi, Ruvimbo Bakasa, anoti chiitiko ichi chakamushamisa zvikuru.

“Handisati ndakamboona zvakadaro muhupenyu hwangu, kamba yakamoneredzwa nejira dzvuku nedema asi handizive kuti yakabva nekupi,” akadaro Bakasa. Mumwe mudzimai uyo akaramba kuzivikanwa nezita rake asi ndokungoti anonzi Mai Mutsa akati ane fungidziro yekuti kamba iyi yakabva pamba pemumwe mudzimai anopinda chechi yeJohanne Masowe yeNguwo Tsvuku achiti ndivo vanowanzoshandisa machira matsvuku nematema pamwe nemhuka pavanoita minamato yavo.

“Ndinofunga kuti kamba iyi yakabva pamba ipapa, pamwe yakangobuda mumba pasina aiona nekuti pane muroja anopinda chechi yeNguwo Tsvuku. Ndivo vanhu vanoita minamato vachishandisa mhuka nemachira matsvuku nematema,” vakadaro Mai Mutsva.

Mai Mubayi vakatsinhirawo kuti chiitiko ichi chakavashamisa.Kamba iyi yakazongosiiwa nevanhu yakadaro ichizvifambira.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×