Kambarami orangarira zvaakasangana nazvo makore 6 ari muUK

Trust Khosa

MUIMBI wemusambo weurban contemporary, Ngonidzashe Kambarami, anoti anodada nebasa rake idzva rekutyaira marori kuUnited Kingdom, kwaave nemakore matanhatu achigara.

Kunyangwe zvazvo gore rake rokutanga rainge rakaoma nokuda kweCovid-19, muimbi uyu, uyo anozivikanwa nenziyo dzake dzerudo, anoti anotenda zvikuru nemukana uyu.

Chishuvo chake ndechokuti aite nepose paanogona napo mukuriritira mhuri yake, nepo achishandisa simba rake kusandura upenyu hwevakawanda kumusha.

“Ndave kugara kuUnited Kingdom nemhuri yangu. Ndagara kuno kwemakore matanhatu apfuura, uye ndajaira kurarama mhiri kwemakungwa,” anodaro.

“Gore rangu rokutanga rakandiomera nokuti ndaifanira kupedza nguva yose ndiri pamba nokuda kwedenda (reCovid-19).

“Pane imwe nguva, ndaiita basa rekushandisa excavator, ndikazove mutyairi weforklift uye iye zvino ndiri mutyairi werori, izvo zvakandibatsira kuraramisa mhuri yangu.”

Zvisinei nekubatikana kwaanenge akaita nebasa mumafekitari nekumwe kuUK, Kambarami akaudza Zimpapers Arts and Entertainment Hub kuti anoramba akagadzikana uye kudzikama.

“Kukura nevabereki vaive vasingadi zvedambe kumusha kwedu kuZimbabwe zvaireva kuti munhu aifanira kuve neunhu hwakanaka, izvo zvandichiri kuchengetedza kuno kuUK. Ndinodadawo nebasa rangu nokuti ndave kukwanisa kutsigira mudzimai wangu, uyo anove mukoti kuno. Aya ndiwo mabasa atinoita vazhinji vedu, uye ndinodada nezvandave,” anodaro.

Kambarami, uyo akasvitsa makore makumi mana nemaviri okuberekwa mwedzi wapera, akafara zvakanyanya nerutsigiro uye rudo rwakataridzwa nevatsigiri vake mushure memakore akawanda asiri muZimbabwe, apo akadzoka kumusha nguva pfupi yadarika.

“Rakange riri zuva rebhavhadhe rine musiyano kwandiri nokuti ndakange ndaenda kuKadoma kumutambo uyu. Kwaingove kunakidzwa nekukombwa nevatsigiri ava. Ndakatomboridza nziyo shoma uye zvakatoshamisa kuti vanhu vakawanda vainge vachiri kundirangarira makore mazhinji ndabva kumusha. Ndakakurudzirwa kuti ndirambe ndichiridza kuti ndiwedzere mukurumbira wangu,” anodaro Kambarami.

Anoti anogutsikana zvakare nevaimbi variko makore ano, avo vari kuwana rutsigiro rwakasimba pamwe chete nekushandira munzvimbo dzakanaka kana zvichienzaniswa nepaakatanga kuita zvemimhanzi.

“Ndiri kufadzwa zvikuru nekufambira mberi kwandiri kuona panguva ino nokuti vechidiki vakawanda vari kutyaira motokari dzinodhura uye vari kuita mabhindauko akasiyana-siyana,” anodaro.

Panyaya yemimhanzi, Kambarami akajekesa kuti haasati amira kurekodha, kunyangwe hazvo divi rekushambadzira rakapa chimiro chokuti akange aita seazorora.

“Ndagara ndiine chido chikuru nemimhanzi. Pose pandinowana mukana wekupinda mustudio handizenguriri kurekodha. KuUK, ndinogara ndichitaura naDecibel naLeonard Mapfumo.

“Dzimwe nguva tinoronga shoo dzedu pachedu, uye tinofara nekufambira mberi kwatiri kuita ikoko,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti: “Pandakatamira kuno, handina kumbomira kurekodha mimhanzi, uye ndine zvirongwa zvakati kuti, zvinosanganisira ‘Singles Collection’ ya2020, iyo yaive nenziyo 21. Muna 2021, ndakatsikisa nziyo mbiri — ‘I’m Sorry’ na‘Dai Mauya’ — idzo dzakazoteverwa ne‘Zvamunoona’ ne‘Limitless’ kwapera gore.

“Ini hangu handina kumbomira kurekodha. Ndakaenda kunotsikisa rumwe rwiyo ndiinaDecibel naMapfumo. Makore apfuura ndakamboshanda naT Man, Doctor Tawanda, Shawndee, Professor Lalo, Puro the Best, Mafana, Nagz, DJ Fydale, kungodoma vashoma.”

Zvisinei, Kambarani akachema-chema nekuwanda kwevechidiki vari kushandisa zvinodhaka, izvo akaona mukati menguva pfupi yaakadzoka kuZimbabwe.

“Ndakaita mwedzi ndiri kumusha, ndikakwanisa kuenda kuMabvuku-Tafara, uko ndakarerwa nevabereki vangu. Ndakashamiswa nenyaya dzekushandiswa kwezvinodhaka, idzo ndakaona nekunzwa.

“Ndinogona kunge ndisina mari yekuvaka nzvimbo dzekubatsira vanotambudzwa nezvinodhaka, asi chishuvo changu ndechokuda kushandisa izwi rangu kurwisa nyaya iyi. Ndakatorana nevarume vechidiki vane chitsama kuMabvuku, ndikaona kuti zvizvarwa zvemazuva ano zvinoda kuchengetedzwa. Nyaya dzakaita sekushandisa zvinodhaka, kana dziri pedyo newe, unodzinzwisisa, uye kwandiri, zvakandibaya mwoyo.”

Kunyangwe zvazvo, parizvino ari kugara mhiri kwemakungwa, Kambarami anoti mwoyo wake uri muZimbabwe.

“Takauya kuno kuzoshandira mhuri dzedu, asi chinangwa chikuru ndechokudzokera kumusha, togadzirisa zvinhu pazvinenge zvarongeka. Chishuvo changu ndechokuti ndidzoke kumba nenguva yakafanira kuti ndibatsire vanhu vangu,” anodaro.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×