Kana arova mbanje . . . l Anozvambaradza vabereki l Ovapindira mumba varere l Obvarura mbatya dzaamai

Yvonne Chidochashe Manyanja
MWANAKOMANA wekunzi ane marambadoro zvekugara achishungurudza baba naamai vake achivavimbisa kuvauraya akazoendeswa kudare redzimhosva.

David Mapinduri akamhan’arira gotwe ravo, Godknows Mapinduri, kuHarare Civil Court achiti anogara achivarova. David akati kana Godknows asina kunwa doro, anenge ari munhu kwaye.

“Changamire, ndamira pano nekuti ndiri kuda gwaro redziviriro, ini pamwe nemukadzi wangu. Mwana uyu ndiye wekupedzisira pakuberekwa, saka anouya akaputa mbanje pamwe nekunwa doro otanga kukonzeresa mhirizhonga.

“Kana zvakakwidza anouya otituka ini naamai vake, anoenderera mberi kutuka hanzvadzi dzake dzakaroorwa kuti mahure. Mumwe musi akatipindira muimba yedu yekurara akabvarura nhumbi dzaamai vake pamwe nebhegi ravo randauya naro iri.

“Tinoda kuti dare ritidzivirire uye ripe mutongo wekuti akaramba achidai apinde hake mutirongo, pamwe angabatsirike,” akadaro David.

Godknows akabvuma kuti anotuka vabereki vake, asi akaramba zvekuti akambovabatira banga pamwe nekuti akabvarura nhumbi dzaamai vake.

“Zviri kunenerwa pamusoro pangu maererano nebongozozo randinoita ndinozvibvuma asi hazvizi zvese zvavataura zvandinovaitira. Hongu, ndinoputa fodya pamwe nekunwa doro asi handizvo zvandinoita kana ndichinge ndadhakwa,” akadaro Godknows.

Mutongi Marehwanazvo Gofa akapa gwaro redziviriro kuna David.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×