kana mukadzi agumbuka . . . Akatengesa masofa matsva $15 . . . Ndokubvarura hembe dzemurume

Yvonne Chidochashe Manyanja
MURUME wekutengeserwa masofa ake matsva ne$15 nemukadzi wake pamwe nekutorerwa mbatya dzake dzaive dzakayanikwa pawaya kumba ndokunobvarurirwa kubasa kwake akazomhanyira kudare.

Benson Zvamba akamhan’arira Talent Dikinya kuHarare Civil Court achiti ari kumushungurudza zvikuru.

Zvamba akaudza mutongi wedare Marehwanazvo Gofa kuti: “Changamire, ndinoremekedza mukadzi wangu Talent, handidi kuti andishaise mufaro nekuti ndakazofunga kunogara navahosi vangu. Talent akatengesa masofa emumba matsva $15. Pandakamubvunza akati masofa ndeake. Ini ndakazotorawo maspeaker ake ndikamuti ndeangu.

“Pamusoro peizvi, akauya kumba kwandave kugara ndisipo ndaenda kubasa akaona nhumbi dzangu dzakayanikwa pawaya ndokudzitora akauya nadzo kubasa akadzibvarurira pamberi pangu.”

Dikinya akapokana naZvamba achiti paakaenda kumba kunogara murume wake aida mari yechikafu.

“Zvaari kutaura izvi hachizi chokwadi. Ndakaenda kumba kwake mushure mekunge akanganwa kuti ane imwe mhuri yaanofainira kuriritira. Ndaida mari yekubhadhara rendi uye mari yechikafu saka handizivi kuti ndinenge ndichitadza here kusvika kwandinoita?

“Kutaura kudare kudai ari kuda kuti ndirarame nei kana achida kuti ndisashanya ndichikumbira mari? Handipokane nenyaya yekutengesa masofa kana yekuita ruzha, asi ndinenge ndichidawo kugara semunhu anofungwa nemurume wake.

“Handina musi wandakamboti adzoke kuzogara mushure mekunge abuda kunogara navahosi vake. Saka handione kuti sei akarwadziwa nekutengesa kwandakaita masofa iye ari iye akabuda,” akadaro Dikinya.

Mutongi Gofa akapa gwaro redziviriro kuna Zvamba.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×