Hakuna zvinorema: Sabhuku wechikadzi

SABHUKU wechikadzi wekwaMambo Njelele, kuGokwe, anoti hakuna chinoitwa nemunhurume chinotadzwa nemunhukadzi pasi pezuva.

Sabhuku Rodgers, Mai Lydia Masuku (45), mumwe wemasabhuku mashoma echikadzi mudunhu raNjelele avo vanoti hapana chakasiyana pakati pehutungamiriri hwevanhurume nevanhukadzi.

“Ibasa rinoita serakaoma kana usati wapinda mazviri. Sehutungamiri hunenge hwakaiswa pamudzimai, kune vamwe varume vanogona kuda kushora asi vanosangana nemutemo wakangomira sezvauri zvisinei kuti unenge uchitaurwa nemunhukadzi,” vanodaro Sabhuku Rodgers.

Vanoti mudunhu rose raMambo Njelele vanongova masabhuku matatu chete echikadzi.

Mamwe masabhuku acho ndeanoti Sabhuku Chihehe, Mai Naume Sithole naSabhuku Madhala, Mai Makuku Mangena.

“Ndinotonga nekomiti yevanhurume nemadzimai apo pasina anonzi mutungamiri kunyangwe ndiri sabhuku, mhosva inotongwa nevanhu ava tichipanana pfungwa,” vanodaro.

Vanoti hakuna mhosva yavanotya kutonga uye vakaona nyaya inenge yamhan’arwa kwavari yavaremera, vanoikwidza kwaMambo Njelele.

“Nyaya hombe yandakasangana nayo muno ndeye kuberekeswa kwechitunha kwaMbuya Sibusisiwe Maphosa zvichiitwa naHemish Nyoni naamai vake nedzimwe hama dzavo vachipomera ava kuti vaiva nechekuita nekufa kwemwana waHemish.

“Nyaya iyi yakandiremera ndakazoiendesa kwamambo wedu ikagadziriswa,” vanodaro. Nyaya yechembere yekuberekeswa chitunha iyi yakaburitswa neKwayedza nguva yadarika uye Mambo Njelele vakapa mutongo wekuti Hemishi nevemhuri yake varipe Mbuya Maphosa.

Sabhuku Rodgers vanoti semunamati wechechi yeSeventh Day Adventist, vasati vatanga kutonga vanoita munamato wekuti Nyadenga vavatungamirire mune zvose zvavachaita.

“Igore rangu rechipfumbamwe ndiri sabhuku uye ndatonga nyaya dzakawanda zvikuru. Bhuku iri ndakarisiirwa nababa vangu avo vakashaika, VaRodgers Masuku, avo vakambotanga nekuripa kuhanzvadzi yangu Donald Masuku asi akazofawo.”

Sabhuku ava ishirikadzi, murume wavo akafa mugore ra1997 uye vane vana vashanu. Vobvunzwa nenyaya yekuti vaisashorwa here nevamwe vanhurume kana madzimai semunhu asisina murume, vanoti nguva yebasa ndeyebasa, haitariswe kuti munhu akamira sei.

Komiti yavanotonga nayo vanoti ine madzimai maviri nevarume vashanu avo vavakati vanofarira basa ravo.

“Tine mhosva dzatinotonga toripisa toga, tichibvisisa vanenge vabatwa nemhosva zvakaita sehuku nehupfu kobikwa mabiko vanhu vachifara vachiregererana apo vatadzirana vanobatana mawoko ruzhinji rwuchiuchira,” vanodaro.

Dzimwe dzemhosva dzavanotonga dzinosanganisa vanhurume vanotorerana vakadzi, magakava emiganhu yeminda, kutukana, kuroverana vana, kudyisirana muminda nekunangana huroyi.

Zvakadaro, Mambo Njelele, VaMoses Misheck Njelele, vanoti kugadza masabhuku echidzimai kunoita kuti dunhu ravo rive nehutongi hwakaenzanirana pakati pevanhurume nevanhukadzi.

 

Related Posts

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Mudzimai ane mapatya, akatsva nemafuta otsvaga rubatsiro

Muchaneta Chimuka MUDZIMAI wekuManyame Park, kuChitungwiza, uyo akawirwa netsaona yekutsva nemafuta ainge ari pamoto panguva yekubika uye ane mapatya ane mwedzi miviri yekuberekwa, otsvaga rubatsiro rwemishonga yekurapwa pamwe nemukaka wemumagaba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×