‘Kana ndimiwo . . .’‘Madzibaba kupa Mudzimai wangu Mubhedha Here?’

Courtney Munodawafa

KUNE murume ari kuchema-chema achiti anoda kuti mumwe madzibaba — uyo akamumhan’arira kudare achiti anomushungurudza — asiyane nemudzimai wake sezvo achiti akamupa mubhedha wekurarira.

Peter Mahachi akataura mashoko aya mudare reHarare Civil Court mushure mekunge amhan’arirwa naGodfrey Damu uyo anotsvaga gwaro rerunyararo.

Damu anoti Mahachi anouya achimurova nekumushungurudza nenyaya yemuganhu.

Mutongi Tafadzwa Miti akapa Damu gwaro rinomuchengetedza.

“Ishe wangu, murume uyu muvakidzani wangu uye mapurazi edu ane muganhu mumwe chete asi baba ava vandishungurudza.

‘‘Vari kundirova vachinditi ndakavatorera muganhu wavo,” anodaro Duma.

Achipawo divi rake, Mahachi anoti haana kumbobvira arova kana kutuka Duma.

“Handisati ndambomurova kana kumutuka. Zvakaitika panyaya yemuganhu ndezvekuti ndakatuma muzukuru achinobvunza nezvazvo nekuti handinyanyogare ndiriko. Ndakazoenda kumusha ndikaona danda ratinoganhurisa rakapfuurira kuuya kwangu.

“Ndakamubvunza kuti chii akabva atanga kupopota,” anodaro.

Mahachi anoti Damu anowirirana zvikuru nemukadzi wake zvekuti mudzimai ava kusvika pakusamuterera.

“Madzibaba ari kunetsana zvake neni asi nzvimbo yacho haisati yapegwa. Ndakamuudza kuti handina dambudziko nenyaya yemuganhu.

“Handidi kumunyadzisa, madzibaba munhu mukuru, hameno zviri kuitika pakati pake nemukadzi wangu. Izvozvi mukadzi wangu haachatonditerera, anongoenda kumba kwake oga uye vakatopanana havo mubhedha wekurarira,” anodaro Mahachi.

Damu anoti munhu anonamata uye hapana chiri kuitika pakati pake nemudzimai waMahachi.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×