Kana zvamubata . . .Anopinda mumba nepachisuvi

MUZUKURU akabira ambuya vake $800 apo akapinda mumba nepamusoro pemba mushure mekunge abvisa marata maviri. Collins Chirimuta (24), wepanhamba 8 Mazvikokota Zengeza 3, kuChitungwiza, abatwa nemhosva yekuba mari yaambuya vake, Mbuya Emina Chirimuta (70).Mutongi wedare reChitungwiza Magistrates Court, Blessing Murwisi, akapa Collins chirango chekugara mujeri kwemwedzi miviri iyo yakazoraswa yose paine chitsidzo chekuti anofanira kudzorera ambuya vake mari yaakavabira uye kukundikana kwake anozonogara mujeri kwemwedzi wose.

Muchuchisi Edmond Ndambakuwa akaudza dare kuti nomusi wa3 Chikunguru, Mbuya Chirimuta vakasiya vakakiya musuwo wemba yavo vachienda kuchechi.

Collins haana kuwirirana nekukiya kwavakange vaita musuwo uyu zvikaita kuti atevere ambuya vake achipopota kuti vamupe makii.

Ambuya vake vakaramba nemakii iye achibva avavimbisa kuti aizonopaza musuwo.

Mbuya Chirimuta vakazodzokera kumba masikati ndokuona marata maviri emba akabviswa uye apwanyika.

Panguva iyi, Collins akange atove mukati memba akagara mubhedhuru mavo.

Mbuya Chirimuta vakatanga kutsvaga mari yavo yavainge vakaisa pasi pemetiresi vachibva vaishaya uye panguva iyi muzukuru wavo akabva abuda mumba muye.

Collins akazodzoka kumba zuva rakatevera angosara neUS$645 imwe US$155 aishandisa.

Pakumira kwaakaita mudare, Collins akabvuma mhosva yake.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *