CHITSAUKO 5 (Ongororo: Enderero mberi):
Tinodzidza nezvetsika nemagariro evanhu. Maererano naMai Chipunza tinonzwa kuti vaifarira kuti kusawirirana pakati paMugadzi nemukadzi wake kurambe kuchienderera mberi. Tinonzwazve zvakare kuti makuhwa ndipo pakanga pari pamusha pawo apo zvinonzi, “Kana kukirabhu vaizivikanwa zvikuru nemakuhwa avo.” Mudzimai uyu zvakare aive sori yaSekai izvo zvinonzi, “mutikitivha wake waaiva asiya apa basa” (56).
Enzaniso tinosangana nadzo mbiri. Yekutanga inotitsanangurira kuti Mai Chipunza vaitya zvakadini murume wavo iyo tinoona papeji 57 apo zvinonzi vaitya murume wavo “kunge zvainzi ishumba” 57.
Yepiri inotitsanangurira magariro emumba maMugadzi. Chivhitivhiti chaingovaima mumba umu iye Mugadzi achitarisa mifananidzo yaibudamo kunge munhu aive asinganzwi zvaitaurwa (59) apo sekai ainge achikurukura nevana vake, maererano nezvavakaita musi weMugovera.
CHITSAUKO 6 (Nyaya yacho):
Pakugara kwavo kwavanoita pamba paMugadzi, Sekai naLily havataudzani kana kuitana mangwanani. Sekai anongomukira kubikira vana vake kwava kutora zvirukwa zvake kwava kuenda nazvo kwaMai Chipunza kunotandara.
Lily aingosara arere kana kuita rimwe basa, aitowana wekutaura naye kana Mugadzi aripo.
Nerimwe zuva Sekai ari kutandara kwaMai Chipunza mudzimai uyu anomubvunza nezvemagagriro ayo Sekai ari kuita naLily, mukadzi uyu kwava kupesvedzera Sekai kuti dai ari mumwe anorova Lily, izvo Sekai anomboramba kuita asi anozogumisira abvumirana nazvo.
Ava masikati, Sekai anoenda kumba kwake kwava kutsvaga kachikonzero kekuti atange kutaudzana naLily.
Anomubvunza kuti haasati abika haazivi here kuti vana vechikoro vari kudzoka masikati iwayo kuzodya. Lily anoshaya kuti zvinorevei ndokuramba nayerere. Panotanga kutaurwa pfocho naSekai, iyo inosvika pakutuka Lily achiti anodei pamurume wemumwe. Lily anopindura achiti Sekai akaroorwa iye akaroorwawo saka hapana chaangamutaurira apa.
Ndipo Sekai anobva ati ngaabude mumba make iye ndokuti haabude mumba umu kunze kwekunge Sekai atoita zvekumuuraya. Sekai anobva aregedzera mbama kumeso kwaLily uyo anoona nyenyedzi ndokuwira pasofa ndokutevera negwati kumeso nebhutsu nekumara-mara asi Lily haadzoreri.
Lily anotanga kuridza mhere Sekai kwava kutanga kukanda bhutsu kumbabvu Lily kwava kuviga dumbu rake. Sekai anomubika achipopota iro ropa richichururuka mumhino maLily richidonhera pakapeti. Sekai anosiya amuti asimuke kubva ipapo sezvo angamusvibisira kapeti yake kwava kumukava kumagaro, munhu ndiye hutu kuenda kwaMai Chipunza ndokusvikovaudza kuti amugadzira Lily uya. Anotizve kana akadzoka akamuwana asati abvisa ropa pakapeti anomuwedzera.
Sekai anodzoka kumba ndokuwana Lily achakangorara mudhamhu reropa raive ratooma ndokumuti amuke aribvise, Lily kana zvake kumbozungunuka. Sekai anomukweva neruwoko kuti amugarise, paanoregedza ndokubva arovera pasi nemusoro zvakasimba izvi zvinovhundutsa Sekai kwava kuona asingamboratidza kufema zvake.
Paanotaurira Mai Chipunza kuti vauye kuzoona Lily, uyo vanoti azviuraya, Mai Chipunza vanomurambira vachipa tuzvikonzero tusina musoro, Sekai ndokubva aoneka. Anopindwa nerimwe zano kwava kusvikobvisa hembe yaainge akapfeka kwava kuibvarura-bvarura ndokutora banga kwava kuzvicheka zvigumwe izvo anozosunga nekachira.
Anomutsa Lily ndokumugeza ropa raiva pamhuno, kwava kukakaritsana naye achipinda mumba yekurara.
(Enederero mberi svondo rinouya.)



