Kasikana kechess kakatunzvaidzwa

Faith Sachinda aine mudzidzisi wake, VaBanarbas Mayeka. — Mufananidzo: Daphine Machiri
Faith Sachinda aine mudzidzisi wake, VaBanarbas Mayeka. — Mufananidzo: Daphine Machiri

KASIKANA kanove shasha yemutambo wechess kepachikoro cheMakwara Primary kwaMutasa ako kakakunda vamwe vose kupurovhinzi yeManicaland nguva yadarika kakatunzvaidzwa nekupihwa mubairo.

Faith Sachidza uyo ari kuita Grade 7 pachikoro ichi akapiwa mubairo unosanganisira mari svondo rapera pamberi pakaparurwa makwikwi eManicaland Provincial Merit Awards.

Muhurukuro neKwayedza, Faith anoti anonzwa manyukunyuku nekukunda kwaakaita vamwe vose mumutambo uyu.

“Mutambo wechess wakapusa kubata zvakare unorodza pfungwa zvinova zvinovandudza mafungiro angu munyaya dzechikoro nekutamba ndichikwikwidza nevamwe,” anodaro Faith.

Mudzidzisi wake, VaBanarbas Mayeka, vanoti vanofara zvikuru nekubudirira kuri kuita Faith pamwe nechikoro chavo mumutambo uyu.

“Tine shuviro yekuti chikoro chedu chionekwewo. Tine vana vakawanda chaizvo vanotamba chess asi dambudziko redu tiri kure, chikoro chedu chiri pedyo nebhodha renyika ino neMozambique,” vanodaro.

Vanoti pachikoro pavo pane vadzidzi vane zvipo zvekutamba mitambo yakaita sechess asi vanoshaya rubatsiro rwekuti vaenderere mberi nechikoro.

“Ndakatarisa tarenda raFaith, uyu mwana anogona kubva mukuverenga nekunyora zvakare nechess. Ndiye shasha muManicaland yose asi vabereki vake havana mari yekuti akwanise kuenderera mberi nechikoro. Dai zvaibvira pawana anosimudzawo ruwoko kuti tarenda remwana uyu rirambe richienderera mberi sezvo achikwanisa kuzomirira nyika mumutambo uyu mune remangwana,” vanodaro VaMayeka.

Faith akatamba nevamwe vezvikoro zvisere akavakunda padanho redistrict. Akazokwikwidza akamirira Mutasa North akakunda zvakare purovhinzi yose yeManicaland.

“Ini semudzidzisi wake ndiripo pakumufundisa kuti akwanise kufunga nekukasika ndizvo zvinoda mutambo uyu,” vanodaro VaMayeka.

 

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *