Kasvava kafa kadonha kumusana kwaamai vachirwa nababa

Kingstone Mapupu

KASVAVA kane mwedzi mina yekuberekwa kakadonha kumusana kwaamai vako kakanorovera pasi nemusoro zvakaita kuti kabva kangofa apo vairwisana nababa vacho kunzvimbo yeDomboshava, kuMberengwa.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti nyaya iyi yakaitika nemusi wa23 Gumiguru nenguva dza7 manheru.

“Vabereki vemwana uyu vanoti Mthandazo Zhou (23) vanova baba vake naamai vacho, Tawananyasha Zhou (18), vose vanobva kuDomboshava kuMberengwa, vakanetsana vari pamba pavo. Vakazotanga kurwisana apo mudzimai uyu aiva akabereka mwana kumusana. Panguva iyi, mwana uyu akabva adonha kumusana kwaamai vake ndokunorovera pasi achibva angofira panzvimbo,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti mapurisa akaziviswa nezvenyaya iyi kuburikidza nerunyerekupe achibva asunga murume uyu nemukadzi wake.

“Vose, murume nemudzimai wake, vakabva vasungwa avo vari kubatsira mapurisa nekufeewa kwenyaya iyi vari muchizarira. Panguva yakasungwa vaviri ava, vanonzi vaitoronga kunoviga mutumbi wemwana uyu muchivande kunharaunda yeGomonhenga kwaSabhuku Khumalo, kudunhu raMambo Negove,” vanodaro Insp Mahoko.

“Tinokurudzira veruzhinji kugara murunyararo pasina kurwisana kana kupopotedzana, kana paine zvanetsa vanhu ngavatsvage vayananisi,” vanodaro Insp Mahoko.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *