Khan osandura musambo

AMIR Khan akataura pamusoro pekuti anogona kutanga kukwikwidza mumutambo weMixed Martial Arts achimbosiya zvetsiva.

Shasha yeUFC – Conor McGregor – uyo akambohwina mabhande eMMA, ari kuronga zvekumbokwikwidza mutsiva izvo zvichamuona achisangana naFloyd Mayweather kozoti Khan ari kurongawo zvekuenda kuUFC.

Khan aida chaizvo kurwa naManny Pacquiao uyo waaimbove muchikwata chimwe chete naye, asi hurukuro pakati pavo dzakatadza kubudirira saka ave kutsvaga zvimwe zvekuita zvisiri zvetsiva.

Saka Khan akayambira McGregor kuti vaviri ava vakasangana muUFC anenge ari kumberi kwake.

Achitaura neESNEWS, akati, “Ndinogara ndichizvitaura kuti ndogona kuzviedza, ndiri murwi anofarira kurwa uye kuedza zvinhu zvakasiyana. Handizive kuti ndinenge ndichigona here asi chandinoziva ndechekuti ndinoedza nepandinogona,” akadaro. – Daily Mail Boxing.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×