Nzvimbo, nguva inoitika nyaya

Munyaradzi Gunduza
TINOENDERERA mberi nekuongorora nzvimbo nenguva inoitika nyaya.

Hubert Court:

Stanley naEve vanodzoka kubva kuChriston Bank vachienda kuHubert Court kwaigara Eve – Eve anorwadziwa zvikuru mushure mekunge Stanley aramba kurara naye. Stanley anoudzwa naEve kuti aiziva kwainge kuna Beaula asi aida mari kuti azvitaure – Stanley anobva amhanya kunotsvaga mari, Eve ndokusara achipondwa nechikwata chaRoby.

Panosvika mapurisa achisunga Stanley wavaifungidzira kuti akanga aponda Eve – izvi zvinoita kuti zita raStanley risvibiswe nevemapepanhau pamwe chete nekusungwa. Vanhu vanomira pachivanzi chepamusha uyu vachiratidzira maererano nemhirizhonga yemudzimba uye kutyorwa kwekodzero dzevanhukadzi.

Christon Bank:

Stanley anotevera vanaVheremu vachibva kuHoliday Inn vachienda kuChriston Bank – anobva aona mamiriro enzvimbo iyi uye zvinozomuitira nyore kudzokera ikoko zvakare ave ega. Stanley anotapa Bhasopo kuti amuudze kwaive naBeaula – zvinoita kuti azomuurayisa nepfuti.

Stanley anoona humbowo hwese hwaaida panyaya yekushaikwa kwaBeaula hwaisanganisira motokari pamwe chete nekututirwa kwefodya mutangi regonyeti — anogutsikana kuti munzvimbo iyi ndimo makanga muna Beaula. Stanley anorova Monya naVheremu — izvi zvinoita kuti azokwanisa kutakanura musikana wake, Beaula.

Nguva inoitika nyaya:

Zvakawanda zvinhu zviri munyaya iyi zviri kuratidza mamiriro enguva pakufambira mberi kwerungano.

Nyaya iyi inoitika panguva yekuti vanhukadzi vari kuedza kudzivirira kodzero dzavo kuti dzisaputswe nevanhurume — tinoona kuti vakadzi vanotanga kuratidzira panouraiwa Eve paHubert Court.

Panorohwa mumwe munhukadzi nemunhurume pana Angwa Street muguta reHarare, vanhukadzi vanotanga kuratidzira.

Huori hunoratidza kuti nyaya iyi haina kuitika makore mazhinji adarika asi kuti ndeyazvino-zvino — Beaula anotaura achiti munhu wese ave nepfungwa dzehuori. Samson anoonekwa achiitawo huori achishandisa mutauro wenguva ino wekuti mbudzi inodyira payakasungirirwa. Vanhu vaitungamirira boka remari paC and T Private Limited vanoonekwa vachiba mari zvinoita kuti pazoshevedzwe maodhita ekunze.

Motokari inenge ichifamba naStanley inoratidza kuti nguva iri kuitika nyaya haisi kure nepatiri nhasi uno – tinoona achifamba neBenz S350.

Kutyorwa kwekodzero dzevanhu kunoratidzawo nguva — tinoona Roby nechikwata chake vachienda kunoponda Eve pamwe chete naSamson. Murume anoonekwa pana Angwa Street naStanley anotyora kodzero dzemudzimai wake kuburikidza nekumurova mbama.

Tsika yekuti makambani anoshevedza dzimwe nyanzvi dzekunze kuti vabatsirwe kuita mabasa avo inoratidza kuti nyaya iyi ndeyenguva yatiri chaiyo – tinoona kambani yaishandirwa naBeaula ichishevedzwa kuC and T Private Limited kuti iite odhiti yemari yaitsakatika pakambani iyi.

Matambirwo aiitwa mimhanzi yemachicken dance pamwe chete neborrowdale kunoratidzawo kuti nyaya iyi ndeyemazuva ano tisinganyanye kudzika pamakore ari pasi pa2005.

Nyaya iyi inoitika nguva dzakasiyana dzakaita semakuseni, masikati, manheru nepakati pehusiku muri munzvimbo dzakasiyana-siyana.

Kupindirana kwenzvimbo nenguva kunobva kwaumba nyaya inotendeseka sezvo nguva yairi kuitika nenzvimbo dzairi kuitikira dzichizivikanwa nevazhinji muhupenyu hwanhasi pamwe chete nezviitiko zvinowanikwa imomo.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×