KidzCan younganidza mari yevana vane gomarara

Muchaneta Chimuka

SANGANO reKidzCan Zimbabwe rakaita chirongwa chekuunganidza mari yekubatsira vana vari kutambudzwa negomarara cheAnnual Husqvarna Mud Run kuDonnybrook, muHarare nguva pfupi yadarika.

Chirongwa ichi chakaona vechidiki nevanhu vakuru vachibhadhara mari yekuti vamhanye pamwe nekutuhwinha mumadhaka.

Muhurukuro, VaDaniel Mckenzie vanova executive director weKidzCan Zimbabwe vanoti chikamu che100 percent chemari yakaunganidzwa kubudirikidza nechirongwa ichi inoenda kunobatsira vana vanotambudzwa nechirwere chegomarara.

“Tine vana vari mumatunhu akasiyana vari kutambudzwa nemakomarara emhando dzakasiyana vanoda rubatsiro rwekurapwa uye pekugara panguva iyo vanenge vachibatsirwa nemachiremba.

“Tinotenda veHusqvuarna Mud Run nekukotsvera chirongwa ichi kuti chibudirire. Tinotenda zvikuru zvekare vatsigiri vakasiyana nevanhu vakazvimiririra vakasarudza kutitsigira,” vanodaro.

Vanoti vanhu vakawanda vakapinda muchirongwa ichi kuti vazosviba vachituhwinha nekumhanya mumadhaka senzira yekutsigira vana vari pamuzinda weRainbow Childrens Village.

Uyu musha wavakavakwa unoshandiswa nevabereki vanouya nevana vane gomarara apo vanenge vakamiririra kubatsirwa.

“Tinobatsira vana vane gomarara vane makore 18 okuberekwa zvichidzika. Vanodawo chikafu, kupangwa mazano, kurapwa, kuvhenekwa nezvimwe zvakawanda. Vazhinji vevabereki vanouya nevana ava vanobva kumhuri dzinonetseka uye nharaunda dziri kure nezvipatara zvinorapa gomarara,” vanodaro.

Mai Charity Kawadza vanova health and awareness coordinator kuKidzCan vanoti chakakosha panhau yegomarara kukurumidza kuvhenekwa nekurapwa nekuti mhando zhinji dzacho dzinorapika.

“Vakawanda vanopedza nguva yekurapwa vachitanga vaenda kudzin’anga nemaporofita uye vachizoenda kuzvipatara chirwere ichi chatokomba zvekuenda paStage 3 kana 4 chisisarapike. Tine mhando dzemakomarara akasiyana dzinobata vana nevanhu vakuru dzakadai segomarara remuropa, remuziso, remumwandabvu, reganda nemamwe asi kukurumidza kuvhenekwa ndiwo mushonga mukuru,” vanodaro.

Vanoti kune vana vakawanda vanokurumidza kuvhenekwa nekurapwa avo vakatorapika gomarara vari kupupura kunaka kwekukurumidza kurapwa.

Lauren Moyo wekuVictoria Falls, uyo akabatwa negomarara remhando yeAcute Lymhoblastic Leukemia rinova remuropa nemumwongo wemabhonzo, anopupura kupora kwake.

“Ini gomarara iri rainge richikuvadza itsvo yangu uye ndairwadziwa zvikuru. Ndaifanira kunge ndichifamba nzendo ndefu kuenda kuchipatara cheParirenyatwa Group of Hospitals kuHarare kunoitwa chirongwa cheChemotherapy kuti vange vachipisa masero (cancer cells). Zvakanditorera makore mashanu azere kuti ndizonaya uye ndinotenda veKidzCan nekunditsigira nepekugara ndichirapwa, ropa raidiwa kuti ndinge ndichiwedzerwa nezvimwe zvakawanda kudzamara ndagwinya kudai,” anodaro achisekerera.

Fadzai Manana (26) wekwaRusape anoti akabatwa negomarara remhando yeHodkins Lymphoma kwemakore mashanu zvekare asi akabudirira kurapwa achipora. Anoti ava kudzorera kunharaunda achishanda kusangano reKidzCan rinova rakamutsigira mukurapwa kwake.

“Gomarara randaive naro raibata makadai semushaya, muhapwa nedzimwe nzvimbo dzinoita kuti muviri ukundikane kurwisa zvimwe zvinouya.

“Ndakasangana nematambudziko akawanda murwendo rwangu rwekurapwa kuti ndipore nekuti pandakabatwa negomarara iri ndaive nemakore 13 ekuberekwa saka mupfungwa ndaishungurudzika. Shamwari dzangu dzakanditiza, vabereki vangu vakashaya tariro nekuti vainge vaneta nekundipepa sezvo mumusha mainge muine vamwe vana vaida rubatsiro rwavo. Ndakanga zvino ndava kuita kunge mutoro. Ndakaita zvikamu zvitanhatu zveChemotherapy zvairwadza nekuti zvaiunza kumwe kurwara kwandiri munzira yekupora iyoyo. Kunyangwe vamwe vafundisi vekukereke kwedu vaisazvibvuma kuti ndaive negomarara nekuti vaifunga kuti ndiri kutambudzwa nemweya yetsvina. Saka munguva zhinji vaiuya vachindinamatira vachiti vari kuedza kudzinga mweya wavaiti ndiwo wainditambudza asi izvo ndaive negomarara raida kupedzwa nechipatara,” anodaro.

Parizvino, Fadzai ari kushanda kuKidzCan Zimbabwe saSocial Worker uye ari kubatsira vanhu vakawanda mukuvapanga mazano maringe nezvirwere zvegomarara zvichibva muzvinhu zvaakasangana nazvo.

Ongororo yakaitwa neveZimbabwe National Cancer Registry mugore ra2018, inoratidza kuti vakarikodha nyaya 293 dzevana vane gomarara. Ichi chikamu che3.7 percent chemakomarara ese akanyoreswa uye chinogona kunge chakatokura kudarika apa zvichitevera kusaenda kuchipatara kuri kuita vanhu vazhinji vanenge vaine zvirwere zvegomarara.

Izvi zviri kukonzerwa nekushaikwa kwemari, zvitendero zvinorambidza kuenda kuchipatara, kushaya ruzivo uye kushomeka kwezvipatara zvinobatsira vanhu vane gomarara munyika.

Related Posts

Shingai Dance Troupe hwapu mukombe weChibuku Neshamwari

Muchaneta Chimuka CHIKWATA cheShingai Dance Troupe chemudunhu reHarare, icho chakaratidzira hunyanzvi mumutambo wembakumba, ndicho chatora mukombe pamakwikwi eChibuku Neshamwari Traditional Dance National Final ayo aitirwa muHarare Gardens nomusi weMugovera wadarika.…

ZCC eridha hutu nemudzimai wemuridzi

Lovemore Kadzura   MUMWE eridha wechechi yeZion Christian Church (ZCC) kwaMakoni, kudunhu reManicaland anonzi akatiza nemudzimai wemunhu uye gure iri rakazofumuka mushure mekunge vaviri ava vambogara vese kwemwedzi miviri vari kumafura…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×