Kodzero dzevakaremara mitezo

naIrene Sithole
YAKWANA nguva iye yegore zvakare, apo pasi rose rinenge richicherechedza mazuva 16 ekurwisa mhirizhonga kuvanhukadzi. Pamazuva 16 aya zvakare, pane zuva rekucherechedza vanhu vanorarama nehurema, musi wa3 Zvita.

Kune vakaremara mitezo, gore rino nderechigumi pachipembererwa kurwira kodzero dzavo pasi pechisungo cheConvention on the Rights of Persons with Disabilities.

Zimbabwe pari zvino iri mushishi kugadzirisa mitemo ine chekuita nekodzero dzevakaremara yakaita seDisabled Persons Act kuitira kuti inge ichienderana nezviri mubumbiro renyika.

Nekuda kwemamiriro ezvinhu aya, vakaremara mitezo vanenge vaine tarisiro huru yekuda kuona kodzero dzavo dzichicherechedzwa.

Zvakakosha kuti Hurumende, masangano akazvimira nemamwe mapoka vange vachizvinzvera pamusoro pekubatsira kwavanoita vakarema.

Tinoshushikana zvikuru kuti pari zvino mutemo weDisabled Persons Act unotarisa vakarema mitezo sevanhu vanofanira kurarama nekungopihwa nevamwe kwete sevane kodzero dzakaenzana nevasina kuremara.

Bumbiro remutemo wenyika zvakare, rinoonekwa serinoperevera pakuchengetedza kodzero dzevakaremara.

Apo bumbiro iri rinoburitsa zvakajeka pamusoro pekucherechedzwa kwekodzero dzevakarema pasi pechikamu cheSection 83, rinoti zvakare kodzero idzi dzinofanirwa kuzadziswa zvichienderana nekuwanikwa kwezvekushandisa.

Vanoda kubatsirwa mune zvemitemo munokwanisa kutishanyira pamahofisi edu ari panhamba 17 Fife Avenue, muHarare kana kuridza nhare pamanhamba anoti 0782 900 900 ne0776 736 873. Tollfree nhamba 08080131 kana kuti padandemutande rinoti [email protected] <mailto:[email protected]>

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *