Rudo rworamba kupera

Trymore Muvhawa
SAMUSHA vekuramba vachidanana nemukadzi wavakambopengesana naye vachiri mukomana nemusikana — uyo ave mudzimai wemuridzi — vakazopotera kudare redzimhosva vaoneswa pfumvu nemurume wake.

Tineyi Nyamusengwa akamhan’arira Timothy Madade kuHarare Civil Court achiti amufemesa.

Nyamusengwa anoti Madade anomutema nematombo uye anogara achimutevera pose paanenge ari achida kumurova.

“Mambo wangu, ndatambiswa nhova nemurume uyu. Mumwe musi akanditema nematombo uye anogaronditevera chero ndichienda kubasa achida kundirova, handizive kuti ndakamutadzirei.

“Anonditevera chero ndisiri kubasa ndichifamba ndega, ndave kutotya nekuti handizive zvaanondifungira nekuti akanditevera kusina vanhu anogona kundikuvadza.

‘‘Ndinokumbira dare rindidzivirire,” akadaro Nyakusengwa.

Madade akaudza dare kuti atambudzwa zvikuru nemaitiro aNyakusengwa ekuramba achidanana nemudzimai wake.

“Murume uyu ari kutaura manyepo mudare, chokwadi anochiziva. Nyaya yandinonetsana naye ndeyekuti anodanana nemudzimai wangu. Vakambodanana vachiri mukomana nemusikana asi rudo rwavo harusi kupera.

“Mumwe musi ndakatevera apo akange avatevera kuhuni uye haana kuziva kuti ndaivaona. Pandakabvunza mudzimai wangu nezvenyaya iyi akaramba kutaura asi ndokuzobvuma papera mazuva maviri.

“Ndakaenda kwatete vemudzimai wangu nenyaya iyoyi vakatigadzirisa asi haisi kupera. Kana mukamupa gwaro iri handina dambudziko nazvo, asi kuti ndinoda kuti asiyane nemudzimai wangu,” akadaro Madade.

Mutongi Yeukai Dzuda akapa Nyamusengwa gwaro redziviriro.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *